Accessibility links

Breaking News

Meya weChitungwiza Anoti Huori Hwakuvadza Guta Iri


Chitungwiza
Chitungwiza
Meya weChitungwiza, Va Phillip Mutoti, vanoti vari kutadza kuferefeta nyaya dzehuwori hune chekuita nemasitendi mudhorobha ravo nokuti vanotyira kuzoshungurudzwa negurukota rezvematunhu, Va Ignatius Chombo.

Vachitaura neStudio 7 panzvimbo yemabhizimusi pa Makoni muChitungwiza mushure mekuparura kwavaita homwe ye Mayor's Christmas Cheer Fund neChishanu, meya weChitungwiza, Va Phillip Mutoti, vanoti havasi kufara nehuwori hwavanoti hwakatekeshera mukanzuru yedhorobha ravo.

Va Mutoti vanoti kunyange hazvo vasiri kufara nehuwori hunonzi hwapfunya chisero mukanzuru yedhorobha ravo, havana chavanokwanisa kuita sezvo vachityira kuti vangangodzingwa pabasa ravo negurukota rezvematunhu.

Va Chombo vanozivikanwa zvikuru nekudzinga makanzura eMDC pamwe nekuchengetedza makanzura anenge achipomerwa mhosva dzehuwori neMDC.

Va Mutoti vanoti kunyange hazvo hurumende yakawumba komisheni iri kuongorora nyaya yedzimba nemasitendi mu Chitungwiza nedzimwe nzvimbo, kanzuru yavo haikwanise pari zvino kuti iongorore vanhu vari kufungidzirwa kuti vari kuita zvehuwori nepamusana pekutya kushungurudzwa naVaChombo.

Zvisinei, Va Mutoti vanoti kanzuru yavo ichagara pasi kana komisheni yehurumende yapedza kuferefeta kwairi kuita, vozowona matanho avangatore panyaya yehuori hune chekuita nekutengeswa kwemasitendi mukanzuru ye Chitungwiza.

Vamwe vari kupomerwa mhosva yehuori nevagari vemu Chitungwiza ndiVa Fredrick Mabamba, avo vakambove mutevedzeri wameya wedhorobha iri. Va Mutoti vanoti vachatora matanho akakodzera kana komisheni yehurumende yapedza basa rayo.

Va Mabamba pachavo varamba kuti vari kuita zvehuori uye vanoti masitendi ose avainawo vakamatenga zvisina chitsotsi mukati. Vanoti masitendi mazhinji avanonzi vanawo ndeemushandira pamwe we United We Stand Housing Co-operative.

Va Mabamba varambawo mashoko ari kutenderera mudhorobha re Chitungwiza ekuti vari kushanda pamwe chete naVaChombo kuti vawane masitendi akawanda vagozotengesa.

Mumapepa akasvitswa kudare mukurambana kwavaita nemudzimai wavo, Marian, zvakabuda pachena kuti Va Chombo vane dzimba mumadhorobha mazhinji munyika pamwe nemasitendi ane chitsama asi hazvizikanwe kuti masitendi aya akwanikwa sei.

Va Chombo pachavo vakaudza bepanhau re Herald masvondo maviri adarika kuti havaite zvehuori.

Kunyange veruzhinji mu Chitungwiza vari kukahadzika kuti nyaya dzemasitendi dziri kumbofamba sei, Va Mabamba vaudza Studio 7 kuti vakatowana imwe sitendi mu Chitungwiza makare yavari kuda kuvaka chikoro chepamusoro soro gore rinouya chichange chichidaidzwa kuti People’s University for Africa for Sustainable Development.

Va Mabamba vane chikoro chiri pa Makoni chine zita ravo chavanoti ndechavo pachavo uye vanoti vane zvimwe zvikoro zvakatekeshera mu Chitungwiza yese zvavanoti vanongobhadhara mari kuvaridzi vemidhuri kuti vashandise zvikoro izvi.

Nyaya yehuori mukanzuru ye Chitungwiza yakambodzingisa makanzura e MDCT mazhinji asi makanzura aya akaramba ari pabasa mushure mekunge Va Chombo varamba kuti makanzura aya asiye basa.

Zvichakadai, Va Mutoti vanoti homwe yavaparura ye Mayor’s Cheer Fund ichabatsira nherera zhinji pamwe nevakwegura vasina chokubata.

Vamwe vanoremekedza vanga vari pakuparurwa kwehomwe iyi vanosanganisira mumiriri we Zengeza muparamende, Va Godfrey Sithole, pamwe nevakuru-vakuru mukanzuru ye Chitungwiza.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG