Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inosarudza Nyanzvi Munyaya dzeMabhizinesi Kuti Ikwikwidze saMeya weHarare


Harare City Council
Makanzura eMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai asarudza neChishanu nyanzvi munyaya dzemabhizinesi, VaBernard Manyenyeni, kuti vakwikwidze musarudzo dzameya weguta reHarare.

Makanzura atora danho iri zvichitevera makakatanwa aripo ari mumatare panyaya yekuti makanzura akasarudzwa chete ndiwo anokwanisa kugadzwa semameya.

Vanga vari gurukota rezvematunhu muhurumende yemubatanidzwa, Va Ignatius Chombo, vakati hurumende haisi kuzotambira vanhu vasiri makanzura kuti vaitwe mameya sezviri kurongwa neMDC-T.

Bato iri rakanga rasarudza mutauriri weHarare, VaObert Gutu, kuti vakwikwidze chigaro chameya weHarare.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti makanzura asarudza VaManyenyeni kuitira kuti nyaya iri mumutare ikasabudirira, bato ravo rinobva radoma muzvinabhizinesi uyu kuti akwikwidze chigaro chameya sezvo vari kanzura we Ward 17 muHarare.

VaManyenyeni vakaberekwa kuMvurwi makore makumi mana nemasere apfuura, uye vane zvitupa zvezvidzidzo zvepamusoro soro zvinosanganisira Masters Degree - Strategic Management uye chitupa che Bussiness Administration.

VaManyenyeni vakambova mukuru mukuru kumakambani anoti Pioneer Corp Africa, Old Mutual nemamwe.

VaManyenyeni munhu ashanda kwemakore anodarika makumi maviri vari munyaya dzemari pamwe nekushanda zvine pundutso kwevanhu mumakambani akawanda munyika.
XS
SM
MD
LG