Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC-T Vogara Mumakomo Vachitya Kurohwa neZanu PF


Vatsigiri veMDC-T makumi matatu nevatanhatu vanogara kuMuzarabani vakatiza misha yavo vachinogara mumakomo zvichitevera mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika.

Vanhu ava vanoti vari kutyisidzirwa nerufu nenhengo dze Zanu PF pamwe nemadzishe nemasabhuku nepamusana pekuti vakavhotera MDC-T musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

Vanhu ava vanoti kubva pakavhotwa musi wa31 Chikunguru zvinhu hazvina kuzombovamirira zvakanaka.

Mumwe wevanhu ava, VaFrank Machaya, vanoti nhengo dzeZanu PF dzinozivikanwa mudunhu ravo dziri kuti dziri kuda kuvaponda sezvo vakaramba kuvhoterwa nemumwe munhu vachinzi havagone kunyora.

Amai Violet Rumero, avo vakakwikwidza pasarudzo dzehukanzura vakamirira MDC mu Ward 9 kuno ku Muzarabani South, vanoti zvinhu zvavaomera sezvo vasina chekupa vana vavo vatatu vavari kugara navo mugomo nepamusana pekutyisidzirwa kwavari kuitwa.

Vanoti nhengo dze Zanu PF dzakavaudza kuti dzinoda kuvaponda sezvakaitwa vatsigiri ve MDC muna 2008.

Mumwe wevanhu ava, VaMorgan Masindisa, vanotiwo varume vari kurara kwavo vega, vakadzi vari kwavowo mumakomo imomo senzira yekuzvichengetedza.

Vanoti izvi zvave kutyorawo kodzero dzavo dzekusangana nemadzimai avo.

Zvakataurwa naVaMasindisa zvakatsinhirwawo naAmai Shylock Rumero, vanove mudzimai wavo.

Mumwe Mugari wemunzvimbo iyi, VaFrank Chitova, vanotiwo chikafu ndicho chave kuvanetsa vari mugomo mavari kugara sezvo vachiti kumba hakusi kudzokereka.

VaChitova vanoti dai hutungamiri hweMDC-T hwawona zvahungaite kuitira kuti vachengetedzeke sezvo vachiti vakamhan'ara nyaya iyi kumapurisa asi mapurisa eku Muzarabani haana matanho aari kutora.

Hatina kukwanisa kutaura nemapurisa emudunhu re Mashonaland Central, kanawo Zanu PF kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

MDC-T inonzi yasvitsa mapepa ayo kumatare ichipikisa zvakabuda musarudzo.

Ukuwo VaTsvangirai vanoti vachaenda kuSADC pamwe ne African Union kunochemachema nesarudzo dzavanoti dzakabirwa zvemhando yepamusorosoro neZanu PF.
XS
SM
MD
LG