Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoviga Mafikeni VaTsvangirai Vachinyomba VaMugabe


VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti Zanu PF iri kuedza kuti itaurirane navo zvichitevera kubiridzira kwavanoti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe nebato ravo vakaita musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pakuradzikwa kwenhengo yebato ravo, Muzvare Rebecca Mafikeni, avo vakashayikira muhusungwa vachipomerwa mhosva yekuponda mupurisa.

Vachitaura kumarinda e Warren Hills muHarare, VaTsvangirai vati vanhu ve Zanu PF vari kuedza kutaurirana navo zvichitevera sarudzo dzavanoti hadzina kufambiswa zvakanaka.

Va Tsvangirai vanoti havasi kuzofa vakabvuma kutaurirana naVa Mugabe nokuti vakabira sarudzo dzakaitwa munyika.

Asi VaMugabe vanoti vakahwinha sarudzo zviri pachena. Asi MDC-T inoti VaMugabe neZanu PF vakabirira musarudzo idzi.

Va Tsvangirai vashora mabatirwo ari kuitwa mhosva nematare edzimhosva munyika pamwe nemamiriro akaita majeri emunyika.

VaTsvangirai vatiwo kufa kwaMuzvare Mafikeni kwavarwadza zvikuru.

Amai vemushakabvu, Amai Julia Mogobo, vatiwo mhuri yavo yarasikirwa zvikuru nekushayika kwemubvana wavo, uyo anga achiriritira mhuri yose asati asungwa.

Muzvare Mafikeni vakashayika vasisawone mushure mekumborambirwa nematare kuti vaende kunorapwa pavakanga vari mujeri vachipomerwa mhosva yekuponda mupurisa, Va Petros Mutedza.

Kushaya kwakaita Muzvare Mafikeni kwave kureva kuti kwasara vanhu makumi maviri nevasere vari kupomerwa mhosva yekuponda Va Mutedza.

Vasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti vari kushungurudzwa zvine chekuita nematongerwo enyika.

Muzvare Mafikeni vanga vava nemakore makumi maviri nemapfumbamwe.
XS
SM
MD
LG