Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yopemberera Kusvitsa Makore Gumi neMana Yaumbwa


MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai iri kuita musangano neMugovera kwa Mutare wekupemberera kusvitsa makore gumi nemana bato iri ravambwa.

Asi vatsigiri vebato iri vanoti vane tarisiro yekuti VaTsvangirai vavaudze gwara richatorwa nebato ravo zvichitevera kukunda kwakaita Zanu PF musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

Pamberi pesarudzo idzi, VaTsvangirai vakati vachatora matanho akasimba mukuchengetedza mavhoti evanhu kana Zanu PF yabirira.

Asi mumwe mutsigiri weMDC-T, Va Nickson Shambambeva, avo vanogara mumusha weBudiriro, vanotiwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe ne Zanu PF hapana kwavachaenda kwemakore mashanu ari kutevera sezvo sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC pamwe ne African Union vakatambira kare zvakabuda musarudzo idzi.

Va Shambambeva vanoti chave kudikanwa ndechekuti Va Tsvangirai vaudze vatsgiri vavo kuti vadzokere kune veruzhinji neshoko rinoita kuti MDC-T ikwanise kuumba mapazi ebato rayo pamberi pesarudzo dzemuna 2018.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri we Media Centre, Va Earnest Mudzengi, vanoti pamusangano wakaita seweMugovera, vatsigiri veMDC-T havafanire kutarisira zvizhinji kubva kuna Va Tsvangirai nehutungamiri hwebato iri vachiti musangano uyu wakangofanana nebhavhadhe.

Kunyange hazvo MDC-T pamwe nedzimwe nyika dzekumavirira dzichiti sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru dzakabirirwa, Va Mugabe nebato ravo ne Zanu PF vanoti sarudzo idzi dzakange dzakachena semukaka.
XS
SM
MD
LG