HARARE —
MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti haisi kutambira gwaro rezvakaitika pasarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru rinonzi rakaburitswa nevaongorori vesarudzo vemuSADC.
MDC-T inoti gwaro iri harisi kuburitsa mawonero evaongorori vese asi kuti rinoburitsa pfungwa dzasachigaro wevaongoriri ava chete
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paHarvest House neChina, munyori mukuru muMDC-T, Va Tendai Biti, vanoti bato ravo harisi kutambira gwaro revaongorori vesarudzo vesangano re SADC vachiti zviri mugwaro iri zvinoratidza pfungwa dzasachigaro wevakauya kuzoongorora sarudzo, Va Bernard Membe, avo vanove gurukota rinowona nezvinoitika kunze kwenyika muTanzania.
Gwaro reSADC rezvakaitika musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru rakaburitswa naVaMembe neMuvhuro rinoti sarudzo idzi dzakange dziine runyararo uye dzakaitwa zviri pachena kunyange hazvo MDC-T ichiti sarudzo idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro.
Va Biti vanoti bato ravo rakataura nedzimwe nyika dziri musangano reSADC dzakaita se South Africa nedzimwe dzavasina kuda kudoma dzakabuda pachena kwavari kuti gwaro rakaburitswa na Va Membe neMuvhuro rakanga risingaburitse muonero eSADC.
VBiti vanotiwo Va Membe munhu akangoita fungira mumwoyo rwendo rwembwa pavakauya mu Zimbabwe kuzoburitsa gwaro iri.
Va Biti vati zvakare sarudzo dzakaitwa munyika hadzina kukwanisa kuzadzisa zviga zvakatarwa neSADC zvine chekuita nesarudzo dzakachena kana kuti SADC Principles and Guidelines Governing the Conduct of Democratic Elections.
Va Biti vati bato ravo nanhasi harisati rawana gwaro revavhoti rakashandiswa pakavhota veruzhinji musarudzo idzi.
Vati izvi zvakafanana nekuti mutambo wenhabvu unzi watambwa chimwe chikwata chikakunda iro bhora rinofanirwa kutambwa nevatambi venhabvu ranga risiri munhandare inenge ichinzi yatambirwa mutambo uyu.
Vaenderera mberi vachiti kana SADC ikasatora matanho akasimba panyaya yekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo mu Zimbabwe, pamwe nekusachinja mashoko ari mugwaro rakaburitswa na VaMembe, zvinopa mucherechedzo wakaipa mu Africa yose pamwe nepasi rose wekuti sarudzo dzinofanirwa kubirirwa.
Va Biti vazivisa kuti bato ravo ranyorera SADC richigunun’una nezvakaitwa naVa Membe, vakati vane tarisiro yekuti musangano mukuru weSADC Summit uri kutevera uchazeya nyaya ye Zimbabwe zvizere.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Amai Charity Manyeruke, vanoti zviri kutaurwa neMDC-T izvi kwangove kutaura kwevanhu vari kutanda nyadzi dzekukundwa musarudzo. Vanotiwo havawone pane chichachinja pane zviri kuitwa neMDC-T.
Kunyange hazvo MDCT ichiti sarudzo idzi dzakabirirwa, mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vari kuti sarudzo idzi dzakitwa zviri pachena uye vakatarisirwa kugadza makurukota ehurumende chero nguva.