Accessibility links

Breaking News

America Inopa Zimbabwe $10M Ichashandiswa Kutenga Chikafu


USAID
USAID
Hurumende ye America yapa Zimbabwe mamiriyoni gumi emadhora. Mari iyi ichashandiswa mukutenga chikafu chichapihwa vanhu vakatarisana nenzara vanodarika mazana mashanu ezviuru.

Izvi zvaburitswa mugwaro raburitswa neMuvhuro nemasangano e United States Agency for International Development, USAID, ne World Food Program, WFP.

Mukuru we USAID muZimbabwe, Amai Mellissa Williams, vanoti hurumende yeAmerica yakazvipira kuramba ichibatsira zvizvarwa zve Zimbabwe zvinenge zvichishupika.

Amai Williams vanoti kunyange hazvo hurumende yeAmerica pamwe nemamwe masangano anobatsira nechikafu ava kukoshesa nyaya dzekusimbaradza zvinhu zvinoita kuti mararamiro nemagariro evanhu asimukire, ongororo yavo inoratidza kuti pane vanhu vakawanda vachiri kuda chikafu munyika.

Gurukota rezvekurima, Va Joseph Made, vaudza Studio 7 parunhare kuti vari kufara nerubatsiro rwapihwa ne America vachiti bazi ravo richashanda zvakasimba kuti riwone kuti munyika manyatsorimwa zvakasimba mwaka uno kuitira kuti veruzhinji vasaziye nenzara.

Va Made vanotiwo chimwe chiri kudikanwa inyaya yekusimudzira nyaya dzekurima varimi vachiita zvekudiridzira.


Asi vanowona nezvekurima mudare remakurukota eMDC-T asiri muhurumende, kana kuti shadow cabinet, Va Samuel Sipepa Nkomo, vanoti nyaya dzekudziridzira dzinokwanisika chete kuitwa kana kukavakwa madhamu akawanda munyika anoita kuti varimi vakwanise kudiridzira mbeu dzavo chero nguva ipi zvayo.

Va Nkomo vanoti chimwe chinodikanwa kuti chikafu chisapere munyika kugadzirisa nyaya yekuti varimi vatsva vapihwe ma title deeds anozoita kuti vakwanise kunopihwa zvikwereti mumabhanga zvinozoita kuti varimi vakwanise kutenga zvose zvavanenge vachida kushandisa mukuita basa ravo.

VaNkomo vanotiwo zvakakoshawo kuti paitwe ongororo yekuti vagere pamapurazi ndivanani sezvo vachiti hapana chiri kuitwa chine kumeso mumapurazi mazhinji akapambwa pasi pechirongwa chekugovera vanhu ivhu patsva.

VaNkomo, avo vaive gurukota rezvemvura muhurumende yemubatanidzwa, vanotiwo zvakakosha kuti vasiri kushandisa mapurazi aya vatorerwe opihwa vanhu vanokwanisa kuarima kuitira kuti Zimbabwe isagare iri nyika yekungopemha chikafu nguva dzose.

Mari yabviswa nehurumende America ichashandiswa mukutengera mhuri dzisina chokudya chikafu, zvikurusei kumaruwa, kubva mwedzi uno kusvika muna Kurume wegore rinouya apo nzara inenge yotarisirwa kutambisa veruzhinji chamutavanhava.

Kubva muna 2002 kusvika pari nhasi, hurumende ye America yanga ichipinda muhomwe mayo ichiburitsa mari yekubatsira vanotambura mu Zimbabwe.

America yaburitsa mari inoita bhiriyoni rimwe nezana remamiriyoni emadhora yekubatsira vanotambura munyika.

Gore rino chete, America yaburitsa mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora achashandiswa neWFP kurwisana nedamdudziko renzara uye mari iyi inotarisirwa kuti ichabatsira vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere.

Sangano re Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee, rinova mushandirapamwe wehurumende ne United Nations, rinoti vanhu vanodarika mamiroyini maviri nemazana maviri ezviuru vachange vachida rubatsiro rwechikafu kusvika muna Kurume gore rinouya.

Sangano reWFP rinobatsira nechikafu pasi rose, uye gore rapera rakabatsira vanhu vanosvika makumi mapfumbamwe nemanomwe emamiriyoni munyika mamiriyoni makumi masere.
XS
SM
MD
LG