Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inobvisa neChisimba Mhuri dzeMauto kuMapinga


Mhuri dzevari muchiuto vanga vachigara mumapurazi matsva adzakachekerwa ku Mapinga mudunhu re Mashonaland West hadzisisina pekugara zvichitevera kudzingwa kwadzakaitwa nehurumende svondo rapera.

Mhuri dzemasoja anodarika makumi matatu hadzisisina pekugara zvichitevera kudzingwa kwadzakaitwa pamapurazi madiki adzakapihwa pasi pechirongwa chekugarisa vanhu patsva.

Mhuri dzemasoja aya dzinoti mapurisa akasvika svondo rapera ndokuvaudza kuti hurumende ine humwe hurongwa nezvimbo dzavanga vagere vachirima. Asi mhuri idzi dzinoti hadzina kuwudzwa kuti chii chaizvo chiri kuda kuitwa nehurumende.

Mumwe wemasoja aya, uyo asina kuda kutaura pamhepo uye kuburitswa zita sezvo achiti haabvumirwe nemutemo webasa rake kutaura nevatori venhau audza Studio 7 kuti mimwe misha yakatopfurunyurwa huswa nemapurisa ainge akapakatira zvombo.

Musoja uyu anove mumwe weavo vakatorerwa mapurazi madiki avakanga vapihwa anoti vazhinji vavo vakatotora mhuri dzavo pakupera kwesvondo kuti vanogara nadzo mumakamba emasoja kwavanogara kwakaita se Inkomo Barracks nedzimwe nzvimbo.

Mumwewo musoja atiwo chave kunetsa ndechekuti vana vechikoro vakatokanganiswa kudzidza uye ati chimwe chanyanyomurwadza ndechekuti mwana wake akatadza kunyora dzimwe bvunzo dze Fomu 4 zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa mumaparazi aya.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemasoja, Lieutenant Colonel Alphios Makotore, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, havana kukwanisawo kubatikawo zvakare kuti tinzwe kuti mapurisa akanga atumwa nani uye nechikonzero chipi paakadzinga masoja aya muminda.

Munyori anowona nezvekurima mu MDC-T, Va Samuel Sipepa Nkomo, vanoti zviri kuitwa izvi zvinoratidza kuti chirongwa chekugovera vanhu ivhu patsva hachina kufambiswa zvakanaka.

Zvichakadai, bepanhau reHerald raburitsa mashoko ekuti hurumende yavakutorera varimi vatsva vemumapaurazi madiki matsamba ekupihwa kwavakaitwa mapurazi aya kuti igovapa mamwe matsva .

Gurukota rinowona nezveminda nekugariswa kwevanhu patsva, VaDouglas Mombeshora, vanoti hapana munhu acharasikirwa nemunda wake pasi pehururongwa uhwu.

Asi VaNkomo vanoti chava kudiwa ndechekuti paitwe ongororo inoburitsa pachena kuti vanhu vagere pamapurazi aya ndivanani.


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hwakaenda kumawere kubva pakatangwa chirongwa chekugovera vanhu ivhu patsva muna 2000.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG