HARARE —
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti yave nehumbowo hwekuti pane zvizvarwa zvekuMozambique zvakatutwa zvikavhota musarudzo dzakaitwa musi wa 31 Chikunguru idzo dzinonzi neZimbabwe Electoral Commission dzakahwinwa neZanu PF.
Asi Zanu PF inoti zviri kutaurwa neMDC-T izvi hazvina maturo.
Murongi wemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 parunhare vari munzira kubva kwa Mutare kwavanga vaenda naVaTsvangirai kunoita musangano nevanhu vari mumapazi ebato ravo kuti vawana humbowo hwekuti Zanu PF yakatuta vanhu vazhinji kubva kuMozambique kuti vazovhota munzvimbo dzakawanda munyika pasarudzo.
VaChamisa vanoti zvizvarwa zveku Mozambique izvi zvakavhota munzvimbo dzakaita seChipinge neNyanga North mudunhu re Manicaland.
Va Chamisa vanoti vanhu ava vakavhotawo mune mamwe matunhu vachishandisa mapepa enhema aipihwa nebazi ramabharani wenyika.
Asi munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mu Zanu PF, Va Didymus Mutasa, vanoti zviri kutaurwa neMDC-T izvi hazvina maturo. VaMutasa vanoti zviri kutaurwa neMDC-T izvi zvinhu zviri kubva kuBritain zvavati hazvina chokwadi mukati uye vati mashoko aya akanangana nekusvibisa zita re Zanu PF pamwe nerenyika.
VaTsvangirai vanoti havasi kuzotambira zvakabuda musarudzo idzi uye vakaenda kumatare vachiti sarudzo itsva dziitwe zvakare mukati memwedzi miviri.
Nekune rumwe rutivi, VaMugabe vanoti vakahwinha zviri pachena.
Kusatambirwa kwezvakabuda musarudzo kuri kuitwa naVa Tsvangirai pamwe nebato ravo ndiko kwamisa kugadzwa kwaVa Mugabe semutungamiri wenyika sezvo nyaya idzi dzichiri mumatare, uye nyaya huru yekuti dare repamusoro soro rirase zvakabuda musarudzo iri kuzeyiwa neMugovera.