Accessibility links

Breaking News

VaEnos Nkala Vanovigwa paHeroes Acre


Enos Nkala
Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vave nemakore makumi masere nemapfumbamwe ekuberekwa, vanoti vanoda kurarama nekusingaperi.

VaMugabe vataura mashoko aya pakuradzikwa kwaVa Enos Nkala pamarinda anovigwa magamba enyika muHarare.

Vachitaura pakuradzikwa kwaVa Enos Nkala pamarinda anovigwa magamba enyika paHeroes Acre, VaMugabe vati vari kushuvira kuti vararame nekusingaperi.

VaMugabe, avo vanonzi neZimbabwe Electoral Commission vakakunda musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru, idzo dzinonzi neMDC-T dzakabirirwa, vave nemakore makumi masere nemapfumbamwe.

VaMugabe vanoti vanoda kupedza temu yavo yemakore mashanu itsva iyi vari pachigaro.


VaMugabe, avo vatora nguva refu vachitaura nhoroondo yehondo yechimurenga, vanotiwo vekunze havafanire kuve nechekuita nematongerwo eZimbabwe.

Vakurudzira veruzhinji kuti vasatevedzere tsika dzechingochani icho vanogara vakashoropodza nguva dzose.

Vazivisawo zvakare kuti Amai Edna Madzongwe ndivo vakatsigirwa nehutungamiri hwebato ravo re Zanu PF kuti vave mutungamiri wedare reseneti.

Ataura akamirira mhuri yemushakabvu, Va Herbert Nkala, vanova muzukuru wemushakabvu, vati sekuru vavo vanga vari munhu asingatye kutaura zvinovafadza pamwe nezvavakange vasingade. Va Herbert Nkala vati mushakbvu akamboramba kuvigwa pa Heroes Acre.

VaNkala vakashaya svondo rapera mushure mekurwara nechirwere chemwoyo pamwe neitsvo.

Vakatanga zvematongerwo enyika muna 1957 vakave mumwe wevanhu vakave nechekuita nekuumbwa kwebato re National Democratic Party muna 1960.

Mushure mekubhanwa kwebato iri, Va Nkala vakave mumwe weavo vakaumba bato re Zanu iro rakawumbirwa mumba yavo yemumusha we Highfields mu Harare muna 1963.

Vakasungwa vakagara mumajeri akaita se Gonakudzingwa, Hwahwa ne Sikombela kwemakore anokwana gumi nemaviri vachisungirwa nyaya dzine chekuita nezvematongerwo enyika.

Nyika yawana kuzvitonga kuzere, VaNkala vakaitwa gurukota rezvemari, vakazoita gurukota rezvemukati menyika pamwe nekuva gurukota rinowona nezvekudziviririrwa kwenyika.

Vakasiya basa muhurumende muna 1989 vakasiyana zvakare nezvematogerwo enyika kusvika vafa svondo rapera.

Vasiya mudzimai Thandiwe, nevana vasere nevazukuru vatanhatu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG