Accessibility links

Breaking News

VaManyenyeni Vanosarudzwa Kuva Meya weHarare


City of Harare
City of Harare
Nyanzvi munyaya dzezvebhizinesi, VaBernard Manyenyeni veMDC-T, ndivo vasarudzwa kuva meya weguta reHarare pasarudzo dzaitwa pa Town House neMuvhuro mushure mekuwana mavhoti makumi matatu nemasere. Wavanga vachikwikwidzana naye awana mavhoti manomwe.

Zvichichivera kuvhotwa kwaitwa nemakanzura makumi mana nemashanu, mukuru mudunhu re Harare anotungamira vana mudzviti, Va Alfred Tome, vazivisa kuti Va Manyenyeni veMDC-T ndivo vakunda pasarudzo dzameya idzo dzavanga vachikwidzana naVa Beadle Gwesira ve Zanu PF.

Va Tungamirai Madzokere, avo vakasarudzwa vari mujere, havana kukwanisa kuvhota sezvo vachiri mujere vakamirira mutongo panyaya yavari kupomerwa nevamwe vavo muMDC-T yekuponda mupurisa mumusha we Glen View muna 2011.

Va Tome vazisawo kuti Va Thomas Muzuva ndivo vakunda pasarudzo dzemutevedzeri wameya weHarare. Va Muzuva vanga vachikwkwidzana naVa Samuel Garachani ve Zanu PF.

Mushure mekuziviswa zvabuda musarudzo dzameya nemutevedzeri wake kwaitwa naVa Tome, paita mufaro mukuru kubva kumakanzura eMDC-T pamwe nevatsigiri vebato iri vanga vauya kuzowona sarudzo idzi dzichiitwa.

Mumashoko avo ekutambira kusarudzwa kwavaitwa sameya we Harare, Va Manyenyeni vati kanzuru yeHarare ine basa guru rekuwona kuti veruzhinji vawaniswa mvura yakachena uye yakakwana pamwe nedzimba dzinokwanira vagari.

Va Muzuva vatiwo kanzuru yeHarare ine basa guru rekuwonawo kuti marara atakurwa munzvimbo dzose dzinogara vanhu zvikurusei idzo dziri kugara vanhu zvisina mvumo yekanzuru. Vati kanzuru ikasawona zvaingaite nenyaya yemarara, veruzhinji vanogona kubatwa nezvirwere zvakaita sekorera.

VaManyenyeni, avo vakasarudzwa sakanzura we Ward 17, vakaberekwa kumvurwi makore makumi mana nemasere apfuura, uye vane zvitupa zvezvidzidzo zvepamusoro soro zvinosanganisira Masters Degree - Strategic Management uye chitupa che Bussiness Administration.

VaManyenyeni vakambova mukuru mukuru kumakambani anoti Pioneer Corp Africa, Old Mutual nemamwe.

VaManyenyeni munhu ashanda kwemakore anodarika makumi maviri vari munyaya dzemari pamwe nekushanda zvine pundutso kwevanhu mumakambani akawanda munyika.

Va Manyeneyeni vachange vari meya weHarare kusvika muna 2018. Vatsiva Va Muchadeyi Masunda avo vanga vari meya kusvika pakaitwa sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

Mune imwewo nyaya, Va Martin Moyo ndivo vasarudzwa kuva meya weBulawayo, uye mutevedzeri wavo ndiVaGift Banda veMDC-T zvakare,

KuChitungwiza vasarudzwa ndiVaPhillip Mutoti, uyr mutevedzeri wavo ndiVaGodwell Mushangwe.

Kanzuru yeRuwa ichange ichitungamirirwa nasachigaro wekanzuru, VaRobson Mushayavanhu, avo vachanga vaine VaManyepudzo Mbira semutevedzeri wavo.

VaLeo Gwanzura ndivo meya mutswa weChigutu, uye VaEdias Ticharwa ndivo mutevedzeri wameya.
XS
SM
MD
LG