Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanodoma Dare reMakurukota Idzva Rizere Vana Sorojena


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vadoma neChipiri dare remakurukota ehurumende nevatevedzeri vavo vachange vari muhurumende iri pasi peZanu PF yoga.

Izvi zvinotevera kukunda kwakaita Zanu-PF musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

VaMugabe vadoma makurukota makumi maviri nemapfumbamwe, makurukota ematunhu gumi, uye vatevedzeri vemakurukota makumi maviri nevashanu.

Vanoshamisa vadomwa naVaMugabe vanosanganisira vaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko vasati vadzingwa muZanu PF, VaJonathan Moyo, avo vapihwa bazi ravakamboshandira.

VaMoyo vanozivikanwa nekuwomesa zvinhu mumashandiro evatori venhau pamwe nemakambani anoburitsa nhau. VaMoyo vachange vachitevedzerwa naVaSupa Mandiwanzira avo vakamboshandira kambani yeZBC uye vari muridzi wenhepfenyuro yeZI-FM.

VaMoyo vanoti havana zvizhinji zvavachaita zvepfungwa dzavo asi kuti vachatevedzera zvavanenge vatumwa naVaMugabe pamwe ne Zanu-PF.

Vazivisa dare remakurukota ehurumende uye vari munyori muhofisi yaVaMugabe pamwe nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vanoti VaPatrick Chinamasa ndivo vachange vari gurukota rezvemari vachitsiva Tendai Biti veMDC-T.

VaWebster Shamu, avo vanga vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vava kuitwa gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko.

VaSydney Sekeramayi ndivo vaitwa gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika vachitsiva VaEmmerson Mnangwagwa avo vaitwa gurukota rezvemitemo. VaDzikamai Mavhaire ndivo vaitwa gurukota rezvemhando dzemoto, ukuwo VaSaviour Kasukwere, avo vanga vari gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, vaitwa gurukota rinowona nezvemvura.

VaObert Mpofu, avo vange vari gurukota rezvemigodhi, ndivo vaitwa gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu.

Muzvare Oppah Muchinguri vaitwa gurukota rezvemadzimai, uye VaDidymas Mutasa vachange vari gurukota rinoshanda riri muhofisi memutungamiri wenyika.

Sachigaro we Zanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaitwa mukuru wemakurukota. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMugabe havana kukwanisa kudoma VaMoyo semumwe wevatevedzeri vavo, sezvo izvi zvichida kutanga zvagadziriswa nebato kuti zvive pamutemo.

Amai Flora Bhuka vachange vari gurukota rinoshanda riri muhofisi maVaMugabe. VaJosiah Hungwe vaitwawo gurukota rinoshanda muhofisi yemutungamiri wenyika vachiwona nezvedzidzo.

VaSylvester Nguni vadomwawo kuita gurukota rinoshanda riri muhofi yemutevedzeri wemutungamiri wenyika.

VaSibanda vazivisawo kuti VaMugabe vadoma makurukota gumi achange achimirira matunhu ose ari munyika.

VaIgnatius Chombo vadzoswa kubazi rezvematunhu uye vati vachashanda zvakasimba kuwona kuti veruzhinji vagara zvakanaka.

Makurukota adomwa pamwe nevatevedzeri vavo vakatarisirwa kutora mhiko neChitatu.

Pavanhu vese vadomwa naVaMugabe, hapana kana mumwe chete weMDC sezvo bato iri rakati harisi kuzobvuma kutambira zvigaro izvi nepamusana pekubirirwa kwarinoti kwakaitwa sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

Asai vamwe vanoti VaMugabe vanga vasina pfungwa dzekupa vanhu veMDC zvigaro sezvo mubato ravo muine vanhu vakawanda vari kudawo zvigaro izvi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti hapana zvitsva zvingatarisirwe kudare remakurukota iri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaTrevor Maisiri, vanoti pane makurukota mashoma matsva aiswa anogona kuvandudza zvinhu asi zvichanetsa kugadzirisa zvinetswa zvenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG