Accessibility links

Breaking News

VaChidyausiku Vanoti VaMugabe Vakasarudzwa Pachena Musarudzo


Dare repamusorosoro rinoti mutungamiri weZanu-PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasarudzwa zviri pachena musarudzo dzakaitwa musi wa 31 Chikunguru.

Vachitura mutongo wedare reConstitutional Court muHarare, mukuru wevatongi vematare, VaGodfrey Chidyausiku, vati VaMugabe vakasarudzwa zviri pachena musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru dziri kunzi nemutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, hadzina kufambiswa zvakanaka.

VaChidyausiku vati kuedza kubvisa kwakaita VaTsvangirai nyaya iyi kumatare kunoratidza kuti Va Tsvangirai vakanga vawona kare kuti nyaya yavo haina kusimba.

VaChidyausiku vati zvikonzero zvizere vachazozvitura muzuva ravasina kutara.

VaChidyausiku vatiwo zvakabuda musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru zvinoratidza zvido zvevana ve Zimbabwe uye sarudzo dzanga dzakajeka uye dzaiyemurika.

Gweta raVaMugabe, VaTerrence Hussein, vati vari kutambira mutongo wedare nemufaoro.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati bato ravo harisi kufara nemabatirwo akaitwa nyaya iyi nematare. VaMwonzora vatiwo yanga iri garoziva kuti hapana chitsvene chinobuda mumatare sezvo vachiti VaMugabe vakanga vatozivisa kare kuti vachagadzwa semutungamiri wenyika neChina iro dare risati ratura mutongo waro.

Asi VaHussein vati kukwidzwa kwakaitwa nyaya yekusafambisa zvakanaka sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru hakwaitadzisa hurumende kuita gadziriro yekugadzwa kwemutungamiri wenyika.

VaChidyausiku vatiwo VaTsvangirai nebato ravo vabhadhare mari yemagweta aVaMugabe.

Mutongo uyu wave kureva kuti VaMugabe vachaenderera mberi nekugadzwa musi weChina.

Asi MDC-T inoti haisi kuzofa yakacherechedza VaMugabe semunhu akahwinha zviri pachena.

VaMwonzora vati bato ravo richaedza kugadzirisa nyaya iyi kuburikidza nekutaura nevekune dzimwe nyika pamwe nenzira dzezvematongerwo enyika dzavasina kuda kutaura.

Paturwa mutongo uyu, panze pedare panga pakazara mapurisa anorwisana nemvongamupopoto anga akatakura zvombo.
XS
SM
MD
LG