HARARE —
Vagari vemuHarare vamuka neChipiri vakawana midhuri mizhinji mudhorobha pamwe nemumisha inogara veruzhinji yakanyorwa nyorwa mashoko ari kukurudzira kupandukira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe. Asi hazvisi kuzivikanwa kuti izvi zvaitwa nani.
Midhuri mizhinji mumisha inogara veruzhinji yakaita se Budiriro, Glen View, Mbare pamwe nepakati peguta re Harare yamuka yakanyorwa nyorwa mashoko anga achikurudzira veruzhinji kusatambira kusarudzwa kwaVaMugabe semutungamiri wenyika.
Mamwe emashoko aya anga akanzi "Mugabe Wakabira Sarudzo Ngadzidzokororwe" uye mamwe anga akanzi "Arise And Protect Your Vote".
Mamwe emashoko aya anga akanyorwa panzvimbo dzinokwirirwa makombi neveruzhinji pa Market Square nepa Copacabana pamwe nemumahwindo ezvitoro zvinowanzoenda vanhu vazhinji zvakaita se Bakers Inn nezvimwe.
Zimbabwe Electoral Commission inoti VaMugabe vakakunda mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, musarudzo dzakaitwa musi wa 31 Chikunguru. Asi Va tsvangirai vari kuti sarudzo idzi dzakabirirwa.
Mumwe mugari weku Mbare, Muzvare Phillipa Chinomona, vanoti chitsvambe chava kuna VaTsvangirai kuti vawone kuti zvido zveveruzhinji zvaremekedzwa.
Muzvare Chinomona vanoti zviri pachena kuti sarudzo dzakabirirwa.
Mumwe mugari wemuHarare, VaFrancis Machimbidzofa, vanotiwo chava kudikanwa isarudzo itsva dziri pachena dzinoitwa dzichitungamirwa nesangano renyika dzepasi rose reUnited Nations.
Zvichakadai, mapurisa anodzivirira nemvongamupopoto ari kugara ari mumigwagwa muHarare kubva pakaziviswa zvakabuda musarudzo achityira kuti veruzhinji vangaratidzire.
VaTsvangirai vakaenda kumatare vachigunun'una kuti sarudzo dzakabirirwa zviri pachena uye vanoda kuti sarudzo idzi dzidzokororwe mukati memwedzi miviri.
Mutungamiri wehurumende akasvitsawo chichemo ichi kusangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa, reSADC uye mashoko atiri kutambira anoti SADC yadzosera nyaya ye Zimbabwe panyaya dzichazeyiwa pamusangano mukuru wesangano iri weSADC Summit wakatarisirwa kuitwa muLilongwe ku Malawi pakupera kwesvondo.