VaEmmerson Mnangagwa vaenda kunobata maoko kumhuri yekwaTsvangirai zvichitevera kushaya kwemutungamiri webato reMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, uye zvinonzi vakurudzira kuti sarudzo dzegore rino dzinge dziri sarudzo dziri pachena sezvaidiwa NaVaTsvangirai.
Vatsigiri veMDC-T vari kumba kwaVaMorgan Tsvangirai kuHighlands muHarare vanoti panofanirwa kuitwa musangano wechimbichimbi wekutsvaga achatsiva VaTsvangirai pahutungamiri hwebato ravo.
Komiti yepamusoro-soro muMDC-T yasarudza neChina VaNelson Chamisa kuti vafanobata chigaro chemutungamiri webato iri zvichitevera kushayika kwakaita VaMorgan Tsvangirai nemusi weChipiri.
Masangano akawanda anobatana mukuratidzira achiti haasi kufara nezviri kuitwa neZimsec zvichitevera gakava riripo mushure mekunge magwaro ebvunzo dzeOrdinary Level - English Paper Two aratidzwa vadzidzi nguva yekunyora bvunzo isati yasvika. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Bato reMDC-T razivisa kuti richaita misangano yemakomiti maviri epamusoro ebato iri senzira yekuedza kugadzirisa kusawirirana kuri mubato iri pamusoro pekuti ofanobata matomhu emutungamiri webato ndiyani panguva iyo VaMorgan Tsvangirai vari kurwara.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC, Engineer Elias Mudzuri, vashora kanzuru yeHarare, mapurisa eZimbabwe Republic Police, ZRP, pamwe nemasoja nekusabata zvakanaka kwavanonzi vari kuita vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa.
Vagari vazhinji vemumusha weHopley uri kumahombekombe kweguta reHarare vaenda kunoedza kunyoresa nehuwandu hwavo mushure mekunge rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira ravabatsira kuti vanhu ava vawane zvitupa zvekuti vakwanise kunyoresa sevavhoti.
Mutungamiri webato rinopikisa re Progressive Democrats of Zimbabwe, Muzvare Barbara Nyagomo, avo vanga vari pakati pechita ichi, vatiwo hurumende inofanira kuona kuti moyo yemhuri yekwaDzamara yanyaradzwa nekutora matanho akasimba kuitira kuti VaItai Dzamara vazivikanwe kwavari.
Vanhu vanosvika makumi mashanu vakaungana muAfrica Unity Square zuva rodoka neChipiri vachirangarira VaItai Dzamara avo vanonzi vakapambwa nevasori makore matatu apfuura vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiri pachigaro.
Munin'ina waVaDzamara, Doctor Patson Dzamara, vati ivo semhuri vanoziva kuti mukoma wavo ari mumaoko evari muhurumende yeZanu PF. Mufundisi Evan Mawarire avo vanga vari mumwe wevatauri pagungano iri vati Mwari havafari kana vanhu vachinyangaditswa sezvakaitwa VaItai Dzamara. Munowona seyi izvi?
Vanhu vanosvika makumi mashanu vaudza hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti vanoda kuona VaDzamara vachidzoswa kumhri yavo vangave vari vapenyu, kana mapfupa avo.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, VaElias Mudzuri, vakurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti iburitse mujeri vasungwa vose vakasungirwa zvematongerwo enyika pasi pehurumende yevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vashanyira mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai avo vasiri kunzwa zvakanaka.
Vagari ava vatakura mvura ine tsvina kuenda nayo kumusangano uyu iyo yavaratidza kuna meya weguta reHarare VaBenard Manyenyeni.
Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadoma neMugovera VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi sevatevedzeri vavo mubato reZanu PF.
Sachigaro wesangano rinomirira vezvitoro reRetailers Association of Zimbabwe, VaDenford Chimutashu, vanoti kukwira kwemafuta edzimotokari ndiko kuri kukonzera kuti mitengo yezvinhu ikwire muzvitoro.
Mumwe murimi wechichena, VaRobert Smart, avo vakange vatorerwa purazi ravo naMufundisi Trevor Manhanga panguva yaitongwa nyika naVaRobert Mugabe vanoti vanofara kuti vakawana purazi ravo pakare zvichitevera kuchinja kwakaita hutungamiri hwehurumende mwedzi wapera.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatura mashoko avo emamiriro akaita zvinhu munyika kanove kekutanga kubva pavakatora matomhu kubva kune vaimbova mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mngangagwa, vachinja neMuvhuro chimiro chevari muchiuto nemuchipurisa zvaita kuti vanga vari mukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga, vazorodzwe vakamirira kupihwa rimwe basa.
Vachitaura vakamirira mauto ose pamusangano wavaita nevatori venhau pamuzinda wemauto muHarare, Lieutenant General Phillip Valerio Sibanda vati chirongwa ichi chasvika kumagumo vachiti mauto akabudirira kubvisa makoronyera akanga akomberedza VaMugabe.
Rodhai zvimwe