Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweMutengo weMafuta eKufambisa Kwokonzeresa Kukwira kweMitengo yeZvinhu?


Vezvitoro vanoti kukwira kuri kuita mafuta edzimotokari pamwe nekushayikwa kwemari yekunze ndiko kuri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu panguva iyo veruzhinji vachiti havana mari.

Sachigaro wesangano rinomirira vezvitoro reRetailers Association of Zimbabwe, VaDenford Chimutashu, vanoti kukwira kwemafuta edzimotokari ndiko kuri kukonzera kuti mitengo yezvinhu ikwire muzvitoro.

"Kushayikwa kwemari yekunze kuri kukonzera vezvitoro kuti vatenge mari iyi pamukoto zvavanoti zviri kudhurira vezvitoro pavanenge vachinohodha," vadaro VaChimutashu.

Asi VaChimutashu vanoti pane zvimwewo zvinotengeswa zvakaita senyama zvavanoti hazvifaniri kukwidzwa mutengo zvakanyanya sezvo vasiri kuzvihodha kubva kunze kwenyika.

Ongororo yaitwa neStudio 7 yaburitsa pachena kuti vezvitoro vakwidza zvinhu zvakawanda zvakaita semafuta ekubikisa, mupunga, nyama, sipo nezvimwe zvakadaro nemari inodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Zvichakadai, gurukota rinoona nezvekutengeserana , VaMike Bimha, vanoti hurumende iri kuedza nepose painogona kuti mitengo isarambe ichikwira zvikurusei panguva ino yezororo reKisimusi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati hurumende yavo ichatora matanho akasimba ekugadzirisa zvose zviri kunetsa kusanganisira nyaya yekushayikwa kwemari yekunze kuitira kuti veruzhinji vasarambe vakaomerwa nehupenyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG