Accessibility links

Breaking News

Vanogara muHopley Vobatsirwa Kuwana Zvitupa neERC


Kudzai Mukoko of ERC
Kudzai Mukoko of ERC

Vagari vazhinji vemumusha weHopley uri kumahombekombe kweguta reHarare vaenda kunoedza kunyoresa nehuwandu hwavo mushure mekunge rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira ravabatsira kuti vanhu ava vawane zvitupa zvekuti vakwanise kunyoresa sevavhoti.

Mumwe murari muHopley, VaCleopas Mugwanda, vati vari kufara zvikuru nerubatsiro rwavakapihwa nesangano re Election Resource Center, ERC, iro rakavabatsira kuti vakwanise kuti vatore zvitupa izvo zviri kudiwa kuti vanyorese sevavhoti musarudzo dzegore rino.


VaMugwanda vati vanhu vakawanda vanogara muHopley vakabva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzakaita sekupurazi rePorta Farm uko kwavakabva vachiita zvekumanikidzwa.

VaMugwanda vati zvakaitika kunzvimbo dzakaita sePorta Farm zvakaita kuti vanhu vazhinji varase magwaro avo ekuzvarwa nezvitupa izvo zvave kuita kuti vatadze kunyoresa sevavhoti.

Mumwe mugari wemuZone 6 muHopley makare, VaTafadzwa Mukodza, vaudza Studio7 kuti vanhu vazhinji vari kutadza kunyoresa sevavhoti sezvo pachingova nenzvimbo imwe chete chete iri kunyoreserwa vanhu sevavhoti munharaunda yavo ine vanhu vanofungiddzirwa kuti vanodarika zviuru makumi maviri.

VaMukodza vatiwo vanhu vari kunyoresa vanhu sevavhoti ava vari kuita chinono chinenge chekamba mumafambisiro avari kuita basa ravo.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZimbabwe Electoral Commission, VaJustin Manyau, kuti tinzwe divi rekomisheni yavo panyaya iyi.

Mumwe mugari wemuHopley, VaProsper Mapiki, vati havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa vanhu nevebazi rinoona nezvekunyoreswa kwevanhu rinotungamirirwa naVaTobaiwa Mudede ravanoti riri kutadza kupa vanhu vazhinji zvitupa nepamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana.

VaMapiki vati vakatozokwanisa kutora chitupa neChipiri mushure nekuratidzira kwakaita vagari vemuHopley pamahpfisi aVaMudede svondo rapera uye kusvitswa kwetsamba yeZimbabwe Human Rights Commission iyo yaikumikidza VaMudede kuti vanyorese vanhu sevavhoti.

Mumwe wevari kutadza kutora zvitupa, Amai Brenda Chipapira, vati vari kunzi vadzokere kumusha kwavo kunotora chitupa kunyange vachiti vakambopihwa chitupa chebepa chikabvaruka.

Amai Chipapira vati bazi raVaMudede rine chikiribidi chariri kuita sezvo vanogara kune dzimwe nzvimbo vachikwanisa kungotora zvitupa chero pane api mahofisi munyika kana vakarasa zvitupa.

Patavabata kuti tinzwe divi ravo, VaMudede vati tigodzoka kwavari mushure meawa imwe chete asi pataenda pamhepo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Muzvare Kudzayi Mukoko, avo vanoshanda nesangano reERC, vanoti vari kushanda zvakasimba kubatsira vanhu vasina zvitupa kuti vaende kunotora zvitupa izvi kuti vagokwanisa kunyoresa sevavhoti.

Muzvare Mukoko vati dambudziko rekushaya kwevanhu zvitupa rakatekeshera munyika zviri kuita kuti vanhu vazhinji vatadze kunyoresa sevahoti sezvo nguva yakawanda iri kupera vachitsvaga zvitupa uku vekomisheni inoona nezvekunyoreswa kwevanhu sevavhoti vachibva munzvimbo vachienda kune dzimwe veruzhinji vasati vawana zvitupa.

Kunyoreswa kwevanhu sevavhoti munzvimbo dzavanogara kwakatariswa kupera musi wa10 Kukadzi asi kunyoreswa uku kucharamba kuchienderera mberi mumahofisi enharaunda kana kuti ma district offices kudzamara kudomwa kwevanhu vachakwikwidza musarudzo kwaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG