Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votsigira Kuitwa kweKongiresi yeChimbichimbi muMDC


Zimbabwe Elections

Vatsigiri veMDC-T vari kumba kwaVaMorgan Tsvangirai kuHighlands muHarare vanoti panofanirwa kuitwa musangano wechimbichimbi wekutsvaga achatsiva VaTsvangirai pahutungamiri hwebato ravo.

Vatsigiri veMDC ava vaswera vakaungana kumba kwaVaTsvangirai vachiimba vachichema mutungamiri webato ravo uyo akafa nemusi weChitatu kuSouth Africa mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Vamwe vevatsigiri veMDC vanga vari parufu apa vakaita saVaTendai Kanokanga vati zvakakosha kuti paitwe musangano wechimbichimbi kana kuti extraordinary congresswekusarudza munhu achatungamira bato vachiti VaTsvangirai munhu aida hutongi hwejekerere.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa wekomiti yepamusoro-soro yebato iri yeNational Council uyo wakapa VaNelson Chamisa basa rekufanobata chigaro chemutungamiri webato kwegore rimwe chete.

Izvi zvatsinhirwa naVaRutendo Bvute avo vati vabva kuRuwa kuzochema VaTsvangirai.

Asi VaDenford Ngadziore vati hapasisina nguva yekuita kongiresi yechimbichimbi sezvo sarudzo dzave pedyo.

VaChamisa vaudza Studio7 kuti kongiresi iyi ichaitwa chete kana komiti yavo yeNational Council yabvuma.

Asi munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati bumbiro remitemo ndiro rinofanirwa kutevedzerwa.

Ari kutaura akamirira mhuri yekwaTsvangirai uye ari munin’ina wemufi, VaManase Tsvangirai, vati hurongwa hwekuwunza mutumbi hwave pachinhano chepamusoro uye veruzhinji vachapihwa mukana wekuonekana naVaTsvangirai mune imwe nhandare yebhora muHarare .

Mutumbi waVaTsvangirai wakatarisirwa kuradzikwa kumusha kwavo kuBuhera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG