Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheOperation Restore Order Chinosvika kwaMvura Yacheka Makumbo


Armed soldiers stand by an armored vehicle on the road leading to President Robert Mugabe's office in Harare, Zimbabwe, Nov. 15, 2017.

Chirongwa cheOperation Restore Legacy, icho chakaita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chigaro, chasvika kwamvura yacheka makumbo, paine kurudziro yekuti mapurisa aite basa rawo nemazvo.

Vachitaura vakamirira mauto ose pamusangano wavaita nevatori venhau pamuzinda wemauto muHarare, Lieutenant General Phillip Valerio Sibanda vati chirongwa ichi chasvika kumagumo vachiti mauto akabudirira kubvisa makoronyera akanga akomberedza VaMugabe.

VaSibanda vati vamwe vaiva muchikwata cheZanu PF cheG40 vakusvibisa zita renyika vari kunze kwenyika vakakurudzira kuti veruzhinji vamhan’arire vanhu vakadai avo vavanoti vanogona kukanganisa kugadzikana kwenyika.

VaSibanda vakurudzirawo mapurisa kuti aite basa rawo achitevedzera mutemo.

Mumwe mugari wemuHarare, VaAlbert Chidhakwa, vati vanotyira kuti mapurisa anogona kudzoka mumigwagwa nehuori sechigariro chawo.

Mumwe wevatedzeri vemutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti vari kufara nedanho ratorwa nemasoja.

Masoja akapindira mune zvematongerwo enyika musi wa 13 Mbudzi vakamanikidza VaMugabe kusiya basa izvo zvakazoita kuti vakanga vadzingwa mubato, VaEmmerson Mnangagwa, vatore matomhu avo mushure mekudomwa neZanu PF kuti vatore chigaro ichi sezvinotaurwa nebumbiro remitemo yenyika.

Chirongwa cheOperation Restore Legacy change chiri munyika kwemazuva makumi matatu nemashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG