Accessibility links

Breaking News

Murwiri weKodzero, VaItai Dzamara, Vanorangarirwa muHarare


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Varwiri vekodzero dzevanhu vaungana muHarare neChipiri vachirangarira VaItai Dzamara, avo vakapambwa makore matatu apfuura nevanofungidzirwa kuti vasori.

Vanhu vanosvika makumi mashanu vaudza hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti vanoda kuona VaDzamara vachidzoswa kumhri yavo vangave vari vapenyu, kana mapfupa avo.

Vachitaura pahurongwa hwekurangarira VaDzamara muAfrica Unity Square, vanorwira kodzero dzevanhu vati kunyange hazvo VaDzamara vachinzi vakapambwa nevasori makore matatu apfuura vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiri pachigaro, vanoda kuti hurumende yaVaMnangagwa ibude pachena panyaya yaVaDzamara.

VaDzamara vanozivikanwa nekuratidzira kakawanda vachiti VaMugabe vabve pachigaro panguva yavakange vachiri kutonga.

Munin'ina waVaDzamara, Doctor Patson Dzamara, vati ivo semhuri vanoziva kuti mukoma wavo ari mumaoko evari muhurumende yeZanu PF.

Mufundisi Evan Mawarire avo vanga vari mumwe wevatauri pagungano iri vati Mwari havafari kana vanhu vachinyangaditswa sezvakaitwa VaItai Dzamara.

Mutungamiri webato rinopikisa re Progressive Democrats of Zimbabwe, Muzvare Barbara Nyagomo, avo vanga vari pakati pechita ichi, vatiwo hurumende inofanira kuona kuti moyo yemhuri yekwaDzamara yanyaradzwa nekutora matanho akasimba kuitira kuti VaItai Dzamara vazivikanwe kwavari.

Zvichakadai, Doctor Dzamara vati vari kudawo kuti hurumende ipindure tsamba dzavakainyorera pamusoro pekushaikwa kwemukoma wavo.

Vaenderera mberi vachiti pachaitwa gungano rakakura kwazvo musi wa9 Kurume rekurangarira mukoma wavo vachitiwo hurumende inofanira kuita sarudzo dzakachena gore rino vachiti ndizvo zvimwe zvairwirwa nemukoma wavo.

Doctor Dzamara vatiwo hurumende inofanirwa kuona kuti mhuri yemukoma wavo yachengetwa naiyo hurumende.

Vamwe vevaishanda naVaItai Dzamara vati vachaedza kuti vasangane nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChitatu nechinangwa chekuti nyaya yekupambwa kwaVaItai Dzamara igadziriswe.

VaItai Dzamara vaive mutori wenhau akakanda mapfumo ake pasi vachiti vava kupinda munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu kudzamara VaMugabe vasiya basa.

Vanhu vaigara vachishungurudza VaItai Dzamara vakazoonekwawo vopandukira VaMugabe zvichitevera kupindira kwakaita mauto pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy icho chakatanga musi wa Mbudzi 13, 2017.

VaMugabe vakazosiya basa musi wa 21 Ndira 2017 mushure mekutorerwa masimba nemauto achishanda ari pasi pevaimbove mukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga, avo vava mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG