Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC-T Rokurudzira Hurumende Kuti Iburitse muMajeri Vakasungirwa Zvematongerwo Enyika


Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T Engineer Elias Mudzuri

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, VaElias Mudzuri, vakurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti iburitse mujeri vasungwa vose vakasungirwa zvematongerwo enyika pasi pehurumende yevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanyira jeri reChikurubi, uko kwakachengetwa dzimwe nhengo dze MDC-T dzinoti Yvonne Musarurwa, Last Maengehama naTungamirai Madzokere, VaMudzuri vati vasungwa vazhinji vakasungirwa zvematongerwo enyika pasi pehurumende yaVaMugabe vakaita saMuzvare Musarurwa nevamwe vavo vari kupikira mhosva dzavasina kupara.

Nekudaro, VaMudzuri vakurudzira hurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa kuti iburitse vasungwa vezvematongerwo enyika mumajeri ose ari munyika.

VaMudzuri vanoti sebato vakatosvitsa chikumbiro ichi kubazi rinoona nezvemitemo.

Muzvare Musarurwa nevamwe vavo vaviri, avo vakatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri mushure mekubatwa nemhosva yekuponda mupurisa VaPetros Mutedza mumusha weGlen View muna 2011, vakasvitsa chikumbiro kumatare chekuti nyaya yavo iongororwe zvakare vachiti havana mhosva yavakapara, asi nyaya iyi haisati yanzwikwa.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vaudza Studio 7 parunhare kuti bazi ravo rakatambira chikumbiro cheMDC chekuti vasungwa vezvematongerwo enyika vaburitswe mumajeri asi vachiri kuongorora nyaya iyi sehurumende.

Zvichakadai, VaMudzuri vakurudzira komisheni inowona nezvesarudzo kuti inyorese vasungwa vari mumajeri sevavhoti vachiti ikodzero dzavo sezvizvarwa zveZimbabwe kuti vave nechokutaura mukutongwa kwenyika yavo.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chasachigaro weZEC, VaEmmanuel Magade, kuti tinzwe divi rekomisheni yavo panyaya iyi sezvo vanga vachiti vari mumusangano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG