Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga naVaMohadi Vanodomwa seVatevedzeri vaVaMnangagwa muZanu PF


Emmerson Mnangagwa & VPs
Emmerson Mnangagwa & VPs

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadoma neMugovera VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi sevatevedzeri vavo mubato reZanu PF.

Mashoko aburitswa nemutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, anoti VaMnangagwa vadoma vaimbova mukuru wemauto, VaChiwenga, pamwe negurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, VaMohadi, sevatevedzeri vavo mubato reZanu PF uye vaviri ava vatotanga basa ravo.

VaChiwenga naVaMohadi ndivo vave vanyori vechipiri mubato reZanu PF zvichitevera kudomwa kwavaitwa naVaMnangagwa sezvinodiwa nebumbiro reZanu PF.

Nyanzvi munyaya dzvematongerwo enyika, VaVivid Gwede, vanoti kudomwa kwaVaChiwenga semutevedzeri waVaMnangagwa hakukodzeri pakatariswa zvakaitwa naVaChiwenga pakabviswa vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo uye vari mudzidzisi paGreat Zimbabwe University kuMasvingo, VaTakavafira Zhou, vati kudomwa kwaVaChiwenga naVaMohadi hakushamisi vachiti zvichanetsa kuti Zimbabwe ive nehutongi hwejekere sezvo vari muchiuto vazara muhurumende pamwe nemubato reZanu PF.

Kudomwa kwevaviri ava sevatevedzeri vaVaMnangagwa kwave kureva kuti zvave pachena kuti vaviri ava ndivo vachaitwa vatevedzeri vemutungamiri wenyika muhuruende.

VaChiwenga, avo vakasiya basa semukuru wemauto vakatsiviwa naVaPhillip Valerio Sibanda, ndivo vakatungamira masoja kuti anokomberedza vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvakazoita kuti VaMugabe vazosiya basa chinzvimbo chavo chikatorwa naVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri waVaMnangagwa muhurumende, Va George Charamba, vanoti mutungamiri weZanu PF adoma vaviri ava achitevedzera zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaCharamba vatiwo kudomwa kwaVaKembo Mohadi kwaitwa pakatariswa chibvumirano chekubatana kweZanu PF nePF Zapu chakaitwa muna 1987.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG