Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Sarudzo Dzakachena seChaive Chido chaVaTsvangirai


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaenda kunobata maoko kumhuri yekwaTsvangirai zvichitevera kushaya kwemutungamiri webato reMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, uye zvinonzi vakurudzira kuti sarudzo dzegore rino dzinge dziri sarudzo dziri pachena sezvaidiwa NaVaTsvangirai.

Vachitaurawo pamusangano wavazoita nevatsigiri vavo paHarvest House, vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa ,vati mutungamiri wenyika VaMnangagwa vaenda kunobata maoko kumhuri yekwaTsvangirai kumba kwemufi vaine vatevedzeri vavo vanoti VaConsntantino Chiwenga naVaKembo Mohadi, vakavimbisa kuti sarudzo dzegore rino dzichange dzakacheka senzira yekuzadzikisa zvido zvaVaTsvangirai.

Mumwe wevana waVaTsvangirai, anonzi Richard Tsvangirai, uyo asiri mwana wemudzimai waVaTsvangirai wekutanga, mushakabvu Amai Susan Tsvangirai, audza vatsigiri veMDC kuti VaChamisa vanofanira kuzadzisa zvaidiwa nababa vavo. Asi vamwe vana vose vaVaTsvangirai vanga vasipo pamusangano wepaHarvest House uyu.

Zvichakadai, munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, avo vanoti havasi kucherechedza VaChamisa semunhu akafanobata chigaro chemutungamiri webato, vatadziswa kutaura nevatsigiri vaVaChamisa pamusangano.

Musangano uyu wapindwawo nemutungamiri webato rinopikisa kuNamibia reADT, VaMcHenry Venami, avo vati ruzhinji rweZimbabwe rwunosungirwa kuzadzisa zvido zvaVaTsvangirai zvekuti munyika muve nehutongi hwejekerere kubudikidza nekuvhotera MDC musarudzo dzegore rino.

Mutumbi waVaTsvangirai waendeswa kumba kwavo kuHighlands kwaucharara usati waendeswa kumusha kwavo kwaHumanikwa, mudunhu reBuhera kuManicaland neMuvhuro.

Mutumbi uyu waswera uri kusvondo yeMethodist kuMabelreign uko kwaipindirwa svondo naVaTsvangirai. Mufi akatarisirwa kuvigwa neChipiri kuBuhera.

Hurukuro naDoctor Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG