Accessibility links

Breaking News

VaMudzuri Vanoti Mabasa Ndiwo Chete Anobvisa Vanotengesa Mumigwagwa


Harare vendors
Harare vendors

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC, Engineer Elias Mudzuri, vashora kanzuru yeHarare, mapurisa eZimbabwe Republic Police, ZRP, pamwe nemasoja nekusabata zvakanaka kwavanonzi vari kuita vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa.

Vachitaura pamusangano wavaita nevanorarama nekutengesera mumigwagwa ava muHarare neChina, VaMudzuri vati vanotengesera mumigwagwa havafanire kubatwa nekuseri kwemaoko nepamusana pekuti havana kuenda kunoshandira mumigwagwa nokuda asi kuti nekuondomoka kwaita hupfumi hwenyika izvo zvave kukonzera kuti veruzhinji vanhonge svosve nemuromo.

Mumwe wevanotengesera mumigwagwa, Muzvare Winnet Mubaiwa, vaudza VaMudzuri kuti mapurisa ekanzuru, mapurisa eZRP pamwe nemasoja vari kuvarova vachivatorera zvinhu zvavanotengesa mumigwagwa uye havazowana zvose zvavanenge vatorerwa nemapurisa ekanzuru pavanozozvitevera vachida kunobhadhara mari dzefaindi.

Muzvare Mubaiwa vati pane vanhu vakati kuti varemadzaa mushure mekurohwa nemapurisa ekanzuru yeHarare, masoja pamwe nemapurisa eZRP.

Vataura vakamirira meya weHarare, VaBenard Manyenyeni, pamusangano uyu uye vari kanzura muHarare, VaGirison Mandere, vati kanzuru yavo inokoshesa zvido zvevagari asi chiri kunetsa mukanzuru yavo ndechekuti pane vashandi vekanzuru vari kupinza zvematongerwo enyika mukuita basa ravo.

VaMandere vati sekanzuru yeHarare havadi kuona vanotengesera mumigwagwa vachishungurudzwa asi Zanu PF yave kushanda nevamwe vashandi vekanzuru yavo kuita zvinhu zvinenge zvisina kubvumiranwa nemakanzura.

VaMudzuri vaudza makanzura ose kuti agadzirise nyaya dziri kunetsa vanotengesera mumigwagwa vakakurudzirawo kuti vanorarama nekutenmgesera pakati pedhorobha vanofanira kushanda pamwe chete nekanzuru vachichengetedza hutsanana kuti veruzhinji vasabatwe nezvirwere zvakaita sekorera iyo inonzi yadzika midzi mudhorobha reChegutu.

Vati vanotengesa mumigwagwa havafanire kubvuma kubviswa mumigwagwa nekanzuru, mapurisa kana masoja kana hurumende isati yagadzirisa nyaya dzekushaikwa kwemabasa munyika vachiti pundutso iri pakuvhota zvine hungwaru musarudzo dzegore rino.

Mutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vanga varipowo pamusangano uyu, vati nyika dzakawanda dzakasimudzwa hupfumi hwadzo kubukidza nevanoita mabasa emaoko pamwe nekutengesa mumigwagwa.

VaMudzuri, avo vakaita meya weHarare weMDC wekutanga, vakurudzira kanzuru kuti igarewo yakavhura zvimbuzi zvose zviri mudhorobha reHarare pamwe nemumisha inogara veruzhinji vachiti veruzhinji vari kushaya pekuzvibatsira sezvo mikova yezvimbuzi izvi ichigara yakakiyiwa zvave kuita kuti veruzhinji vazvibatsire pose-pose.

Panguva yavaiva meya weHarare, VaMudzuri vakashanda zvakasimba vakagadzirisa migwagwa yakange yakazara makomba muguta reHarare, asi vakazobviswa pachigaro chehumeya nehurumende yaiva yaVaRobert Mugabe panguva iyi, vachipomerwa mhosva dzisina musoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG