Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vanonyunyuta Pamusoro peMvura Ine Tsvina


Mufundisi Evan Mawarirevachiratidza mvura iri kubuda mupombi dzemvura muHarare
Mufundisi Evan Mawarirevachiratidza mvura iri kubuda mupombi dzemvura muHarare

Thomas Chiripasi

Vagari ava vatakura mvura ine tsvina kuenda nayo kumusangano uyu iyo yavaratidza kuna meya weguta reHarare VaBenard Manyenyeni.

Mumwe mugari wemuHarare uye vari mumwe wevanorwira kodzero dzevanhu munyika, Mufundisi Evan Mawarire vaudza VaManyenyeni kuti havasi kufara nemvura iri kubuda mudzipombi iine ruvara rwakasviba.

Mumwe mugari zvakare, VaSharon Mumbula, vanoti vakuru-vakuru vekanzuru yeHarare kusanganisira meya, vanofanira kusiya basa vachiti vanhu ava vaisa hupenyu heve veruzhinji panjodzi.

Zvichakadai, VaManyenyeni vaudza musangano uyu kuti kanzuru yavo haina mari yekunze yekutenga mishonga yekuchenesa mvura vakayambira veruzhinji kuti vashandise mvura yekanzuru vakangwarira.

VaManyenyeni vatiwo vanhu vawandisa mudhorobha reHarare zvavekupa kuti kanzuru ikundikane kuwanisa vagari vese mvura yakachena.

VaManyenyeni vakurudzirawo hurumende kuti iisewo mari mubhajeti rekanzuru yavo kuti ikwanise kuwanisa vanhu mvura yakachena vachiti kanzuru yavo ndiyo yoga munyika iri kurarama nemari dzemitero inobviswa nevagari.

Vatiwo chimwe chinoda kuitwa kuona kuti kanzuru yakwanisa kutora mvura kubva kune mamwe madhamu akaita seKunzvi Dam kuitira kuti mvura ikwanire vagari avo vavanoti vawandisa muHarare kudarika vakanga vakatarwa kuti vagare muguta iri.

Pari zvino kanzuru yeHarare iri kuwana mvura kubva kudhamhu reChivero, asi Meya Manyenyeni vanoti kanzuru yavo yawandirwa sezvo yakanga yakagadzirirwa kuwanisa vanhu vanoita mazana matatu ezviuru mvura, asi pari zvino yave kumanikidzwa kupa vanhu vanodarika mamiriyoni mana.

Kanzuru yeHarare inowaniwaso mvura kuvagari veChitungwiza, Norton, neRuwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG