Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoita Misangano Miviri yeChimbi Chimbi neChina muHarare


MDC supporters
MDC supporters

Bato reMDC-T razivisa kuti richaita misangano yemakomiti maviri epamusoro ebato iri senzira yekuedza kugadzirisa kusawirirana kuri mubato iri pamusoro pekuti ofanobata matomhu emutungamiri webato ndiyani panguva iyo VaMorgan Tsvangirai vari kurwara.

Vachitaura neStudio7 mushure memusangano weStanding Committee yebato ravo waitirwa pamuzinda webato iri, mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati misangano iyi ichaitwa neChina.

VaGutu vabvuma kuti vatevedzeri vaVaTsvangirai vaviri vanoti VaElias Mudzuri naMuzvare Thokozani Khupe havana kupinda musangano weStanding Committee uyu uyo washevedzerwa naVaNelson Chamisa avo vari kuzviti ndivo vakazodzwa naVaTsvangirai kuti vafanobata matomhu avo uku VaMudzuri vachiti ndivo vakabatiswa chimuti.

VaGutu vati musangano weChina wakatarisirwa kufambiswa nasachigaro webato, VaLovemore Moyo, avo vave nenguva yakati kuti vasiri kutsika pamuzinda weMDC-T kubudikidza nemakakatanwa ari mubato iri.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMudzuri, Muzvare Khupe, naVaMoyo kuti tinzwe kuti sei vasina kuenda kumusangano washevedzerwa naVaChamisa uyu uye vachapinda here misangano yanzi ichaitwa neChina.

Zvichakadai, sachigaro wevechidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva, vati vanogara vachitaura naVaTsvangirai vakati VaChamisa ndivo vakafanobata matomhu aVaTsvangirai.

Asi mhuri yekwaTsvangirai inoti hapana munhu ari kutaura naVaTsvangirai sezvo munhu wese anoda kutaura navo achifanirwa kutanga ataura nemwanakomana waVaTsvangirai, VaEdwin Tsvangirai.

VaChidziva vatorawo mukana uyu kushoropodza VaGutu vachivapomera mhosva dzakawanda dzinosanganisira kutsigira rimwe bato risiri reMDC-T uye kutaura mashoko asina kunangana negwara rebato.

VaChidziva vati nyaya yaVaGutu inofanira kuzeyewa pamisangano yemusi weChina.

Asi VaGutu vati zviri kutaurwa naVaChidziva, hazvina maturo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kusawirirana kuri muMDC-T kunopera chete kana VaTsvangirai avo vari kurapwa chirwere chegomarara vari kuSouth Africa vakataura nemuromo wavo kuti akafanobata matomhu avo ndiyani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG