Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votungamira MDC Mubato Muine Makakatanwa


VaNelson Chamisa ndivo vadomwa kuti vatore chigaro chasiiwa naVa Morgan Tsvangirai.

Komiti yepamusoro-soro muMDC-T nezuro China yakasarudza VaNelson Chamisa kuti vafanobata chigaro chemutungamiri webato iri zvichitevera kushayika kwakaita VaMorgan Tsvangirai nemusi weChitatu.

Musangano uyu unonzi hauna kupindwa nasachigaro webato, VaLovemore Moyo, vatevedzeri vaviri vemutungamiri webato, VaElias Mudzuri naMuzvare Thokozani Khupe, nevamwe vakawanda.

Vatsigiri veMDC vakamukira pamuzinda webato iri zvichitevera kushayika kwakaita VaTsvangirai kuSouth Africa, uye vakaswera vachiimba vachirangarira hupenyu hwaVaTsvangirai vakamirira musangano weNational Council yebato iri.

Mushure memusangano wekomiti yepamusoro-soro yebato iri, mutevedzeri wasachigaro webato iri, VaMorgen Komichi, vakazoudza vatori venhau kuti VaChamisa ndivo vachafanobata chigaro kwegore kubva pari zvino.

VaKomichi vakati vachazogara pasi sebato kana mutumbi waVaTsvangirai waradzikwa vozoona kuti achakwikwidza akamirira bato ravo musarudzo dzemutungamiri wenyika ndiyani.

Pakapera musangano uyu, VaChamisa vakaudza vatsigiri vebato ravo kuti vachaenderera mberi nebasa ravakasiirwa naVaTsvangirai.

VaChamisa vakati sebato vakapa VaTsvangirai ruremekedzo rwegamba renyika vachiti vachamirira hurongwa hwemhuri kuti vazive hurongwa hwekuradzikwa kwavo kunyange hazvo vachiti VaTsvangirai vakati vanoda kuvigwa kumusha kwavo kuBuhera.

Asi munyori mukuru webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora vati pamutemo webato ravo, mutevedzeri akasarudzwa nevanhu kukongiresi ndiye aifanirwa kubata matomu kwenguva pfupi, kwozoitwa musangano wekongiresi wechimbichimbi kana kuti extra ordinary congress, wekusarudza mutungamiri webato mutsva.

VaMwonzora vatiwo vakabuda mumusangano wakadoma VaChamisa uyu nezuro sezvo vasina kuwirirana nezvaiitikamo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo dzinoti zvakaitika mubato reMDC-T zvichasiya bato iri ratsemuka zvakare sezvakamboitika muna 2005.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG