Accessibility links

VaSmart Vanoita Muchena weKutanga Kudzoserwa Purazi Ravo Zvichitevera Kugadzwa kwaVaMnangagwa

  • Thomas Chiripasi

Darryn Smart, mwana waVaRobert Smart, nemhuri yavo, vanotambirwa nevashandi vavo pavakadzoka papurazi ravakange vatorerwa.

Pakave nemufaro mukuru neChina pakadzoka murimi wechichena, VaRobert Smart nemhuri yavo, papurazi ravo reLesbury Estates iro riri makiromita makumi maviri nematanhatu kubva mudhorobha reRusape.

VaSmart, avo vakange vatorerwa purazi ravo naMufundisi Trevor Manhanga panguva yaitongwa nyika naVaRobert Mugabe, vanoti vanofara kuti vakawana purazi ravo pakare zvichitevera kuchinja kwakaita hutungamiri hwehurumende mwedzi wapera.

Vashandi vaVaSmart, avo vakange vasisina chokubata kubva zvakadzingwa VaSmart papurazi naVaManhanga vanove muufundisi wechechi ye Pentecostal Assemblies of Zimbabwe, vakabatana nevagari vemunharaunda yaMambo Tandi vachingamidza VaSmart avo vakadzoka vachitungamirwa nemapurisa nemasoja zvichitevera kupindira kwakaita hurumende yaVaMnangagwa munyaya iyi.

VaSmart vanoti dai pasina masoja nehurumende yaVaMnangagwa, vangadai vasina kudzoka papurazi ravo.

Mumwe wevaishandira VaSmart vasati vadzingwa papurazi apa, Amai Joyce Chimombe, vanoti mwoyo wavo wanga wakasungikana kubva pakadzingwa VaSmart vachiti vafara zvikuru nekudzoka kwavo papurazi reLesbury.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro cheLesbury Primary School, VaGodwin Chiunya, vanoti chikoro chavo icho chakavakwa naVaSmart changa chava kuwira pasi zvichitevera kudzingwa kwakanga kwaitwa VaSmart.

VaChiunya vanoti vakanga vatowana nzvimbo yekunodzidzisa kune chimwe chikoro chiri kune rimwe dunhu asi havachaendi zvichitevera kudzoka kwaita VaSmart papurazi ravo.

Mumwe mwana wechikoro anogara mubhuku raMambo Tandi, Vimbai Chimombe, uyo watakapihwa mvumo yekutaura naye nevabereki vake, anoti vana vechikoro vazhinji vakanyora bvunzo dzavo dzeGrade7 pachikoro cheLesbury havana kubuda zvakanaka sezvo vainyora bvunzo idzi pfuti dzichirira papurazi raVaSmart.

Mwana waVaSmart, VaDarryn Smart, avo vane makore makumi mana ekuberekwa, vanoti vachadzosa vashandi vose vaishanda papurazi apa kuti vashandire mhuri dzavo.

Mumwe mugari wemunharaunda yaMambo Tandi, Va Gilbert Mutare, vanoti VaSmart vakabirwa zvimwe zvezvinhu zvakanga zvasara papurazi ravo mushure mekunge dzimwe mbatya dzakanyangadika pavakadzingwa papurazi apa.

VaSmart vanoti vachatotsvaga mari yekuti vatange kuita basa papurazi apa zvavati zvichabatsirarwo mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika hwenyika vachiti vakarasikirwa nemari yakawanda panguva iyo minda yairarira vasingabvumidzwe kutsika papurazi iri.

VaSmart ndivo murimi wechichena wekutanga kudzoka papurazi ravo zvichitevera kugadzwa kwakaitwa VaMnangagwa semutungamiri mutsva wenyika mwedzi wapera.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekurima, VaPerrance Shiri, kuti tinzwe kuti pane vamwe varimi vechichena vachadzoserwa minda yavo here kana kuti kwete.

Asi VaMnangagwa vakataura kare kuti vanhu vakagoverwa ivhu pasi pechirongwa chekuendesa ivhu kuvatema havasi kuzotorerwa minda yavo.

Sangano rinomirira varimi reCommercial Farmers Union of Zimbabwe rinoti varimi vechichena vanodarika zviuru zvina vakatorerwa mapurazi avo pasi pachirongwa ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG