Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vozeya Zvinoreva Kuzorodzwa kwaVaChiwengwa


Zimbabwe's Army Commander, Constantino Chiwenga addresses a press conference in Harare, Nov. 13, 2017. The army commander Monday criticized the instability in the country’s ruling party caused by President Robert Mugabe who last week fired a vice presiden
Zimbabwe's Army Commander, Constantino Chiwenga addresses a press conference in Harare, Nov. 13, 2017. The army commander Monday criticized the instability in the country’s ruling party caused by President Robert Mugabe who last week fired a vice presiden

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mngangagwa, vachinja neMuvhuro chimiro chevari muchiuto nemuchipurisa zvaita kuti vanga vari mukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga, vazorodzwe vakamirira kupihwa rimwe basa.

Mashoko aburitswa nemunyori muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota ehurumende, VaMisheck Sibanda, anoti VaMnangagwa vazorodza VaChiwenga basa vakamirira kupihwa rimwe basa.

Liutenant General Phillip Valerio Sibanda ndivo vakwidziridzwa kutora chinzvimbo change chiina VaChiwenga.

VaSibanda vatsiviwa naMajor General Edzai Chimonyo avo vakwidziridzwa kuitwa Lieutenant General.

Air Marshal Perrance Shiri, avo vanga vari mukuru wemauto, vakwidziridzwa kuita Air Chief Marshal vasati vazorodzwa zvichitevera kudomwa kwavakaitwawo kuve gurukota rinoona nezvekurima.

VaSibusiso Moyo, avo vakagadzwa kuve gurukota rinoona nezvinoitika kunze kwenyika, vakwidzirirdzawo kuita Lieutenant General vasati vazorodzwa uye VaEngelbert Rugeje, avo vakaitwa murongi wemisangano muZanu PF, vakwidziridzwawo kuitwa Lieutenant General vasati vazorodzwa zvakare.

VaMnangagwa vakwidziridzawo vanga vari mutevedzeri wemukuru-mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, ndivo vadomwa naVaMnangagwa kuti vafanobata matomhu emukuru-mukuru wemapurisa apo VaAugustine Chihuri vari pazororo vakamirira kuenda pamudyandigere pakupera kwemwedzi uno.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaVivid Gwede vaudza Studio 7 parunharare noti zvave pachena kuti VaChiwenga ndivo vachaitwa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika asi vati zvaitwa izvi zvinoratidza kuti VaMnangagwa vanoda kuve nevanhu vatsva muchiuto nekune rumwe rutivi vachizvikomberedza nevanga vari muchiuto muhurumende yavo.

VaChiwenga ndivo vakatungamira masoja kuti amanikidze vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasiye basa zvakazoita kuti VaMnangagwa, avo vakange vadzingwa semutedzeri wemutungamiri wenyika, vazotora matomhu kubva kuna VaMugabe.

Zvichakadai, VaValerio Sibanda vazivisa kuti masoja apedza chirongwa cheOperation Restore Legacy icho chakaita kuti VaMugabe vasiye basa.

Asi veruzhinji vatataura navo mumigwagwa vakaita saVaTimothy Kambarami vati havasi kufara kuti masoja ave kubva mumigwagwa vachiti vanotyira kushungurudzwa nemapurisa.

Mumwe wevanotengesera mumigwagwa, Muzvare Chenesai Chakadya, vati vafara kuti masoja anzi abve mumigwagwa asi hazvina zvazvinobatsira kwavari sezvo vachiti huchangoramba huri hwekiti negozno pakati pevanotengesera mumigwagwa nemapurisa ekanzuru.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati vachazotaura pamusoro pezvichange zvichitwa nemapurisa mukati memazuva maviri ari kutevera zvichitevera danho ratorwa nemasoja rekupedza chirongwa cheOperation Restore Legacy icho chakatanga musi wa13 Mbudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG