Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vashanyira mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai avo vasiri kunzwa zvakanaka.
VaMnangagwa, avo vanga vachiperekedzwa ne mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga, vasangana naVaTsvangirai kumba kwaVaTsvangirai kuHighlands muno muHarare nhasi mangwanani.
Pavapedza kuonana, VaMnangagwa vaudza vatori venhau kuti vanga vangoshanyirawo mumwe wavo ari mune zvematongerwo enyika.
Mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, avo vanga varipowo pashanywa naVaMnangagwa, vanoti vafara nekushanywa kwaitwa naVaMnangagwa naVaChiwenga uku vachiti dai kunzwisisana kwaratidzwa naVaMnangagwa kukasazogumira munzira pakatariswa sarudzo dzegore rino.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaPhilani Zamchiya vanoti zvaitwa naVaMnangagwa zvinoyemurika.
VaZamchiya vakurudzira vatsigiri vemapato ezvematongerwo kuti vasaite zvemhirizhonga vachiti kuwirirana kwaratidzwa naVaTsvangirai naVaMnangagwa kunofanirawo kuonekwa kuvatsigiri vavo
Zvichakadai, vane ruzivo nezvaitika pamusangano waVaTsvangirai naVaMnangagwa uyu vanoti vaviri ava vataura nezvemamiriro akaita hupfumi hwenyika pamwe nekugadziriswa kwehwaro hwesarudzo dzegore rino.
Facebook Forum