Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vachasangana neZimbabwe Electoral Commission, Zec, svondo rinouya kuitira kuti vagadzirisane gakava riripo.
VaMuchemwa ndemumwe wevanhu vana vakawanikwa vaine mhosva yekukonzera mhirizhonga zvichitevera kurwisana kwakaitika pamahofisi ebato reMDC-T muBulawayo muna Kurume.
Kunyange hazvo vange vari vashoma vanhu ava vaimba vachitamba kwenguva yakareba vari pedyo negedhi guru rinopindwa naro pamuzinda wemapurisa paRoss Camp Provincial Headquarters muBulawayo.
Vamwe vakwegura nevakaremara vanoti vakatarisana nematambudziko akawanda kusanganisira kutadza kurapwa nekuda kwekushaya mari kunyange hazvo vachifanirwa kubatsira nehurumende.
Vamwe vechidiki vanoti kuti nyika ive neramangwana rakanaka, zvakakosha kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe.
Apo vakawanda vari kuisa maziso avo pagwaro revavhoti kana kuti voters roll, vamwe vanhu vari kuchemachemawo kuti Zimbabwe Electoral Commission haina kunyatsojekesa mafambisirwo emavhoti achatumirwa neposvo, kana kuti postal voting.
Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro muZvishavane Ngezi constituency neMugovera, VaChamisa vati musarudzo dzakachena havakundwe nemutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Manangagwa.
Vamwe vanhu vanoti havagutsikane kuti sarudzo dzichaitwa munyika dzichange dzakachena sezvo madzishe nemasabhuku vari kupindira munyaya dzematongerwo enyika
Vachitaura kumapurisa pakushanya kwavo paRoss Camp Provincial Headquarters muBulawayo, VaMatanga vati vafara kuwana mukana wekushanya vachisangana nemapurisa kekutanga kubvira pavagadzwa semukuru wemapurisa.
Vanhu vaviri vari kupomerwa mhosva ine chekuita nekuputiswa kwebhomba kwakaitika muWhite City stadium kuBulawayo svondo rapera, vamiswa pamberi pedare muBulawayo vachipomerwa mhosva yekuita zvegandanga pamwe nekuda kupidigura hurumende..
Vanhu vashanu vasungwa mushure mekuratidzira kwaitika panze pechimwe chezvitoro zvikuru muBulawayo neChishanu masikati mushure mekuratidzira kwedzimwe nhengo dzebato reMthwakazi Republic Party panze pechitoro chikuru cheTM Pick n Pay Hypermarket muBulawayo.
Vari kumirira Muzvare Khupe panyaya yesarudzo yemutungamiri wenyika, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vanoti Muzvare Khupe vane moyo wakanaka, uye munhu akashinga kumira pachokwadi zvisinei kuti vangashorwa, kunyombwa kana kuzvidzwa.
Vanhu vaviri vashaya kusvika pasi zvino mushure mekuputika kwakaitika munhandare yeWhite City musi weMugovera.
Mutauriri weZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti ZAPU haizi kupinda muMDC Alliance asi chibvumirano ichi chichaita kuti bato reZAPU ripiwe zvigaro gumi zvedare reparamende zvichakwikwidzwa nenhengo dzebato iri dzichitsigirwa neMDC Alliance.
Imwe nhengo yeboka revechidiki veMDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti iri kufara kuti bato ravo rakapa mukana kune vechidiki kuti vapinde pazvinzvimbo zvekukwikwidza kuve vamiriri veparamende.
VaThembani Iphithule Maphosa avo vachakwikwidza kuve mumiriri weBulawayo Central vakamirira bato reZAPU vanoti kuendesa simba kumatunhu ndicho chinhu chavanoda kurwira kana vakakunda. (Taurai Shava)
Amai Naki Mawaro vari kukwikwidza muBulawayo Central vakamirira bato reZimbabwe Partnership for Prosperity vanoti vanoda kurwira kuti vechidiki vawane mabasa. (Taurai Shava)
Kuchema-chema uku kwabuda pamusangano pakati pevemamwe masangano anomirira vakaremara nemamwe emakomishini ari munyika wekuzeya matambudziko anosangana nevakaremara munyaya dzekuvhota wakaitwa nezuro muBulawayo.
Sangano reAfrobarometer, richishanda neMass Public Opinion Institute, rinoti Zanu PF ichawana zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana, MDC Alliance ichiwana zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana.
Murwiri wekodzero dzevanhu, VaButler Tambo, vanoti matunhu eBulawayo, Matabeleland North neMatabeleland South ane nhoroondo yekuvhotera mapato anopikisa kubva muna 1980 apo matunhu aya aivhotera bato reZAPU raitungamirwa nemushakabvu Joshua Nkomo
Rodhai zvimwe