Accessibility links

Breaking News

Chamisa Vanoti Sarudzo Ikaitwa Feya Feya VaMnangagwa Vanodonha


Chamisa Zvishavane rally
Chamisa Zvishavane rally
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wemubatanidzwa weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti havazi kufara nemabatirwo ari kuitwa ari kuitwa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, nyaya yegwaro rine mazita evavhoti pamwe nemapepa ekuvhotera.

Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro muZvishavane Ngezi constituency neMugovera, VaChamisa vati musarudzo dzakachena havakundwe nemutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Manangagwa.

VaChamisa vatora mukana uyu kushora Zec nemabatiro airi kuita gwaro revavhoti uye mapepa ekuvhotera.

Vati vakatokiwdza nyaya iyi kuSouthern African Development Community neAfrican Union.

VaChamisa, avo vaita munamato wekuti munyika muite sarudzo dzakachena uye dzine runyararo, pakunopera kwemusangano wavo, vakurudzira vanhu kuti vavhote murunyararo vachiti kunyange vanhu vachitsigira mapato akasiyana-siyana, hazvirevi kuti vanofanirwa kuve makara asiwonani.

VaChamisa vati VaMnangagwa havangakwanise kugadzirisa nyika nekuti vagara vari muZanu PF iyo vati ndiyo yakakonzeresa matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika.

Asi vavimbisa veruzhinji kuti bato ravo, iro vati rine hurongwa hwakajeka, richabudisa nyika mumatambudziko ayakatarisana nawo.

VaChamisa vati vanoda kudzora chiremera kuvashandi, madzishe nemasabhuku nekusavapinza mune zvematongerwo enyika, sezvo vachimirira munhu wese munzvimbo dzavari.

Vatiwo vanoda kuti vakarwa hondo yerusununguko vapiwe mugove wakafanira.

Vati vanodawo kuti vashandi vehurumende vave ivo vanotambira mari yakawanda kudarika vamwe vose vachiti izvi zvinobatsira kubvisa nyaya yehuwori.

Vatiwo vanoda kuti vanhu vane zvirwere zvisingarapike zvakaita segomarara neshuga, vabatsirwe nehurumende panyaya yedzidzo. VaChamisa vatiwo vanoda kuti vana vose veku primary vadzidze pachena.

Vati zvose izvi zvinogoneka nekuti Zimbabwe ine hupfumi hwakawanda zvekuti hukashandiswa zvakanaka, vanhu vose vanoita hupenyu hwakanaka.

Vamwe vevatsigiri vange varipo pamusangano uyu vati vakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota uye vavimbisa kuti vachavhotera VaChamisa.

Asi vamwe vati kana Zec ikasagadzirisa zvinofanirwa kugadziriswa, vanoona zviri nani kuti bato ravo risapinda musarudzo.

Mumwe wevane maonero aya ndiVaTinashe Chifashu vanove sachigaro webato reMDC -T muWard 2 kuMandava.

MDC Alliance iri kumirirwa naVaMichael Costas Timveos musarudzo yemumiriri weZvishavane Ngezi, ukuwo Zanu PF ichimirirwa naVaDumezweni Mawite. Vamwe vari kukwikwidza musarudzo iyi ndiVaPrince Ndlovu veCode naVaBrighton Musevenzo veFree Zim Congress.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG