Sangano reAfrobarometer, richishanda neMass Public Opinion Institute, rinoti Zanu PF ichawana zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana, MDC Alliance ichiwana zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana, uye vanhu zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana, vanoti havasati voziva kuti vanovhotera ani.
Sarudzo dzikabuda seongororo iyi, zvichaita kuti sarudzo yemutungamiri wenyika idzokororwe sezvo panenge pasina akunda zvine mutsindo.
Vachitaura pakuparurwa kweongororo yavakaita, muongorori mukuru wesangano reMass Public Opinion Institute, VaStephen Ndoma, vati zvakabuda zvinoratidza kuti pavanhu vakanyoresa kuvhota vakabvunzwa muongororo iyi, zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana, zvakati zvichavhotera bato reZanu PF ukuwo zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana zvichiti zvhichavhotera MDC Alliance.
VaNdoma vati vanhu vanoda kusvika zviuru zviviri nemazana mana vakabvunzwa muongororo iyi uye zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana zvakati zvaive zvisati zvaziva kuti zvichavhotera bato rirpi.
VaNdoma vati zvimwe zvakabuda muongororo iyi inyaya yekusafara kwevanhu vakawanda nekupindira kwemauuto mune zvematongerwo enyika vachiti zvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana zvakati hazvifare nekupidigura hurumende kwakaitwa nemauto muna Mbudzi.
Vatiwo Vanhu zvikamu makumi matanhatu nezviviri kubva muzana havazi kufara nekuri kuenda nyika.
Murwiri wekodzero dzevanhu, VaMichael Ndiweni, vati vamwe vanhu vanogona kusatambira zvaburitswa neongororo vachiti hazvizi zvechokwadi asi vati zvakakosha kuti vemapato anopikisa kunyanya vatambire ongororo iyi vachitiwo ongororo dzesangano reMPOI dzakaitwa munguva yapfuura dzakaratidza kuve chokwadi.
Muzvare Sibusisiwe Adams avo vati mutsigiri weMDC Alliance vati vanotambira havo zvaburitswa muongororo yeMPOI asi vati vane chivimbo chekuti zvinhu zvinogona kuchinja.
Tichaona Mubayira uyo ati mutsigiri webato reMDC T ati zvinomunetsa kutambira zvaburitswa muongororo iyi achiti haafunge kuti nyaya yekutyisidzirwa kwevanhu kumaruwa hakuna kunyatsobatwa zvakanaka muongororo iyi.
Asi veMPOI vati pose pavanoita ongororo vanoedza nepose pavanogona napo kuti vaite ongororo nenzira yakarurama uye yakajeka.
Sangano reMPOI rinoti rinoda kuita imwezve ongororo sarudzo dzisati dzaitwa.
Sangano iri rakaita ongororo iyi richishanda nesangano reAfrobarometer richishanda nereInternational Justice and Reconciliation uye richaparura ongororo imwe chete muHarare neChishanu.
Facebook Forum