Vamwe vechidiki vanoti kuti nyika ive neramangwana rakanaka, zvakakosha kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe.
Pfungwa idzi dzakabuda pamusangano wekuzeya zvingaitwa nevechidiki vari kuda kuve makanzura nevamiriri veparamende kuti nyika ibudirire wakaitwa muBulawayo nezuro.
Nyaya yeGukurahundi ndeimwe yakataurwa nezvayo zvikuru pamusangano uyu vamwe vechidiki vange vachiti inofanirwa kugadziriswa zvachose kuitira kuti nyika ive neramangwana rakanaka kana kuchitariswa kugarisana zvakanaka kwemarudzi akasiyana-siyana munyika.
Mumwe wechidiki aive pamusangano, Muzvare Caroline Beta, vakati semunhu werudzi rwechiShona akazvarwa nekukurira muBualwayo, anoona zvakakosha kuti nyaya iyi igadziriswe nekukasika kuti pasazove nekurwisana pakati pemarudzi munyika.
VaPrince Ncube vebato reMthwakazi Republic Party avo vari kuda kuve kanzura muWard 8 muBulawayo vakatiwo zvakakosha kuti vakuru vakuru veZanu PF nehurumende vabude pachena panyaya iyi, uye vakumbire ruregerero kuti nyika igokwanisa kunyatsove nekubatana nerunyararo rwechokwadi.
VaKunashe Muchemwa avo vari kukwikiwdza kuve mumiriri weBulawayo South pasi peMDC Alliance vakatsinhirawo izvi vachiti kusagadziriswa kwenyaya iyi ndiko kuri kuita kuti vanhu vakawanda mumatunhu eMatabeleland vaone sevari kusarurwa.
VaMuchemwa vakati nyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu yakakosha zvikuru vachiti inobatsira kuti kusimudzira hupfumi hwematunhu aya nehupenyu hwevanhu vemo.
Izvi zvakatsinhirwavo naVaWinston Mthulisi Ncube avo vari kukwikwidza vakazvimirira kuve mumiriri weUmguza mudare reparamende.
Panyaya yedzidzo nezvehutano vechidiki vakabvumirana kuti hurumende inofanirwa kukoshesa dzidzo nehutano nekupa mari yakawanda kumapazi aya kwete kune vechiuto kana kuhofisi yemutungamiri wenyika.
VaParliament Mlingo avo vari kuda kuva kanzura kuEmakhandeni pasi pebato reZapu vakati hapana mwana wechikoro anofanirwa kudzingwa chikoro nekuda kwekutadza kubhadharirwa mari yechikoro.
VaMuchemwa vakatsigirawo izvi vachiti MDC Alliance ine chinangwa chekuti kana ikakunda musarudzo ikave iyo inotungamira hurumende, vadzidzi vekuprimary vanenge vasingabhadhare mari uyewo vadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro vanenge vachibatsirwa nemari yekuti vaenderere mberi nedzidzo.
Muzvare Esther Zitha, vakati vanotarisira kuti vechidiki vachakwanisa kukunda musarudzo kuti vave vamiriri muparamende vachabatsira kugadzirisa matambudziko kunyanya akatarisana nemadzimai nevanasikana munyaya dzehutano kunyanya munyaya dzehutano.
Musangano wanezuro wakarongwa nesangano revechidiki reVictory/ Siyanqoba Trust kuti vechidiki vapane mazano pamusoro pekupedza matambudziko avakatarisana nawo uye akatarsianawo neruzhinji rwevanhu.
Facebook Forum