Vanhu vaviri vashaya kusvika pasi zvino mushure mekuputika kwakaitika munhandare yeWhite City musi weMugovera.
Mukuru wechipatara cheMpilo, VaLeonard Mabande, vati vanhu vaviri vange vari pachipatara ichi vashaya mushure mekukuvara neMugovera pakaputika bhambu ku White City stadium.
VaMabande vati vaviri vashaya ava vanhurume asi vati havana zvimwe zvakawanda zvavange vachikwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo ichiri mumaoko emapurisa.
Mumwe wevaviri ava aishanda kupazi revasori. Studio7 haikwanisi kuburitsa zita rake sezvo isina kukwanisa kubata hama dzemufi.
Musori uyu ange ari pakati pevanhu makumi maviri nevapfumbamwe vari kurapwa pachipatara cheMpilo.
Vanhu vanodarika makumi mana vakakuvara pachiitiko ichi, kusanganisira mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Mary Chiwenga, avo vakamborapwa muBulawayo ndokuzoendeswa kuHarare.
Vamwe vakamborapwa muBulawayo vanosanganisirawo mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, avo vakakuvara gumbo.
VaFarai Manganda vari kukwikwidza vakazvimirira vega kuve mumiriri weBulawayo Central vati ivo sevamwe vanhu vakawanda vanoshushikana nezvakaitika uye vanoshora nyaya yemhirizhonga.
Mutauriri webato reZapu, VaIpithule Maposa, vati mafungiro avo ndeekuti kuputika kwakaitika nemusi weMugovera kune chekuitika nekurwira masimba kuri mubato reZanu PF vachitiwo bato ravo rinoshorawo mhirizhonga.
Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vaudza Studio 7 parunhare kuti mapurisa achiri mushishi rekuferefeta nyaya iyi.
Mutauriri wemutungamiri wenyika, Va George Charamba, vakati hurumende yaisa mari parutivi yekupa munhu ane humbowo hunoita kuti vakaita mabasa akaipa aya nemusi weMugovera, vasungwe.
Facebook Forum