Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanoti Kodzero Dzavo Hadzisi Kuremekedza paKuvhota


Senator Nyamayabo Mashavakure vamomirira vakaremera mudare reSenate
Senator Nyamayabo Mashavakure vamomirira vakaremera mudare reSenate

Kuchema-chema uku kwabuda pamusangano pakati pevemamwe masangano anomirira vakaremara nemamwe emakomishini ari munyika wekuzeya matambudziko anosangana nevakaremara munyaya dzekuvhota wakaitwa nezuro muBulawayo.

Mukuru weNational Association of Societies for the Care of the Handicapped, kana kuti NASCOH, VaTsarai Mungoni vakaudza Studio 7 kuti vanhu vakaremara nenzira dzakasiyana-siyana vanosangana nezvimhingamupinyi zvakasiyana siyana kana kuchitariswa nyaya dzine chekuita nekuvhota,

Pamusangano uyu pakabudawo nyaya yekuti panguva yekuvhota, vanovhotesa vanowanzobata vakaremara neseri kweruoko.

VaBrian Sithole avo vanorarama nehusope vanoti nekuda kwekuti ganda ravo hariwirirane nezuva kumira muzuva kwenguva yakareba vari mumutsetse wekunyoresa kuvhota kana kuti kuvhota kwacho zvinogona kuvakuvadza.

Asi vati kuita chikumbiro chekuti vakwanise kukurumidza kunyoresa kuvhota kana kuvhota chinhu chisingatambirwe nyore.

Amai Sibongile Ndlovu mumwe komishina weZimbabwe Electoral Commission vange vari pamusangano uyu vati vanonzwisisa zvichemo zvevanhu vakaremara asi vati zvimwe zvacho zvinonetsa kuchinja nekukasika nekuda kwekuti ZEC inoita zvainoita ichitevedzera mutemo uyewo nekuda kwekuti haina mari yekugadzirisa zvimwe zvinenge zvichida kugadziriswa.

Panyaya yekuti vasingaoone vawaniswe mukana wekuvhotera pavo vega kana kuti vakwanise kuwana mapepa ekuvhotesa akanyorwa neBraille, Amai Ndlovu vakati izvi zvinogona kukanganisa kodzero dzevanhu ava.

Commissioner Ndlovu vatiwo mutemo une chekuita nekubatsirwa kuvhota kwevakaremera vanenge vachida rubatsiro rwakadaro wakavandudzwa.

Muzvare Memory Sibanda avo vange varipowo pamusangano uyu vakatsinhira kuti vakaremara vanowanzowanikwa vasingapinde munyaya dzesarudzo kungave pakuvhota kana pakupinda pazvinzvimbo zvehutungamiri vachiti izvi zvinokonzerwa nekusarudza pachavo vega uye kusarurwa kunoitwa vakaremara neveruzhinji.

Amai Sethulo Ncube vanove mumwe wemakomishina eZimbabwe Human Rights Commission vati zvichemo zvevakaremara hazvisi zvenhando vakati zvakakosha kuti vanhu munyika vaise musoro pamwe vagadzirise zvichemo izvi.

Muzvare Jestina Mukoko avo vanove mukuru wesangano reZimbabwe Peace Project iro rakaronga musangano uyu vanoti vakaona zvakakosha kuita musangano wakadai nekuti vakaremara vave nenguva vachitsutsumwa nekwavanoti kusarurwa panyaya dzine chekuita nesarudzo.

Muzvare Mukoko vakati vakafarawo nekuvepo kwemakomishina emakomishini akasiyana-siyana pamusangano uyu.

Muzvare Mukoko vati zvimwe zvinodiwa kugadziriswa pazvichemo zvevakaremara hazvinei nemari vakatiwo masangano akazvimirira ega anofanira kushanda pamwe chete nemakomishini pamwe nemapazi ehurumende akasiyana-siyana kubatsira kuti kodzero dzevakaremara dzizadzikiswe.

Sachigaro weNational Peace and Reconciliation Commission Justice Nare pamwe nakomishina wekomishini iyi VaLeslie Ncube vainge varipowo pamusangano uyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG