Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanoti Madzishe neMasabhuku Vachavhiringidza Sarudzo Dzakanaka


Zimbabwe-traditional-chiefs-
Zimbabwe-traditional-chiefs-

Vamwe vanhu vanoti havagutsikane kuti sarudzo dzichaitwa munyika dzichange dzakachena sezvo madzishe nemasabhuku vari kupindira munyaya dzematongerwo enyika.

izvi zvabuda pamusangano waitwa nerimwe sangano rinoshanda rakazvimirira reZimbabwe Democracy Institute wekuzeya ramangwana renyika munyaya dzezvehutongi hwejekerere waitwa muBulawayo.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaGift Siziba, vaudza musangano uyu kuti nekuda kwekuti hurumende iripo yakapinda nekupidigura hurumende kuchishandiswa vechiuto, yave kuita sarudzo kuitira kuti izvichenese kwete nekuti inoda kuti munyika muve nehutongi hwejekerere, vachitiwo kutaura kwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vanoda sarudzo dzakachena, manatsamukanwa chete.

VaSiziba vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo pari zvino munyika musina mhirizhonga inoonekwa pachena, maonero avo ndeekuti sarudzo dzichave dzisina kuchena nekuda kwekuti vanhu vakawanda vanotya nhoroondo yemhirizhonga uyewo nekuda kwekwavati kusabuda pachena kweveZimbabwe Electoral Commission pamusoro pegwaro revavhoti.

Vamwe vanhu vekumaruwa vange varipo pamusangano uyu vatsinhira kuti madzishe nemasabhuku vakawanda vari kuramba vachityisidzira vanhu nenzira dzakasiyana-siyana.

Amai Collete Nkiwane vekuLupane vaudza musangano uyu kuti kumaruwa ekwavo masabhuku anonyima vanhu vanotsigira mapato anopikisa chikafu chehurumende.

VaBrighton Sibanda vekuMpande kuBeitbridge West vanove nhengo yebato reMthwakazi Republic Party vati masabhuku emunzvimbo mawo anotsigira bato riri kutonga reZanu PF zviri pachena izvo vati zvinoita kuti vamwe vanhu vatye kutsigira mamwe mapato.

Vange vari pamusangano apa vaita zvisungo zvine chitsama kusanganisira kukurudzira vemasangano anorwira kodzero dzevanhu kuti adzidzise vanhu kuwrira kodzero dzavo uye mushandirapamwe pakati pemapato akasiyana siyana mukurwira kuti nyika iwane hutongi hwejekerere.

Mune imwewo nyaya, dare ramejasitireti ratara zuva rekutongwa kwenyaya yakatarisana nedzimwe nhengo nhanhatu dzebato reMthwakazi Republic Party zvichitevera kusungwa kwavakaitwa svondo rapera mushure mekuratidzira muguta reBulawayo.

Gweta revatanhatu ava, VaPrince Dube, vaudza Studio7 kuti nyaya iyi ichatanga kutongwa musi waChikunguru 19.

Vatanhatu avo vari kutongwa vachibva kumba mushure mekubvisa zana remadhora pamunhu mumwe chete semari yechibatiso, vakatarisana nemhosva yekuita zvinhu zvinogona kukonzera mhirizhonga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG