Accessibility links

Breaking News

Amai Misihairabwi Mushonga Vorumbidza Muzvare Khupe seMutungamiri Ane Rudo


Thokozani Khupe
Thokozani Khupe

Mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, mumwe wevanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Panotaurwa nhoroondo yevanhukadzi vane mukurumbira mune zvematongerwo enyika muZimbabwe, Muzvare Thokozani Khupe ndemumwe vanhukadzi ava.

Muzvare Khupe ndemumwe wevanhukadzi vana pavanhu makumi maviri nevatatu vachakwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika.

Studio7 haina kukwanisa kuwana mukana wekukurukura naMuzvare Khupe pachavo, asi takataura nevanhu vakasiyana-siyana kuti tinzwe mafungiro avo pamusoro pavo.

Vari kumirira Muzvare Khupe panyaya yesarudzo yemutungamiri wenyika, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vanoti Muzvare Khupe vane moyo wakanaka, uye munhu akashinga kumira pachokwadi zvisinei kuti vangashorwa, kunyombwa kana kuzvidzwa.

Lawmaker Priscilla Misihairabwi-Mushonga wants Zimbabwe's parliamentary sessions should be held outside the chamber because the facility is too small to house all the country's members of parliament, Oct. 23, 2013. (Sebastian Mhofu for VOA)
Lawmaker Priscilla Misihairabwi-Mushonga wants Zimbabwe's parliamentary sessions should be held outside the chamber because the facility is too small to house all the country's members of parliament, Oct. 23, 2013. (Sebastian Mhofu for VOA)

Muzvare Khupe vakasarudzwa kuve mutungamiri MDC T pakongiresi yakaitwa muBulawayo muna Kubvumbi mushure vapokana nekukwidziridzwa kwaVaNelson Chamisa kunzi vave ivo vanotungamira bato reMDC T zvichitevera kufa kwaVaMorganTsvangirai muna Kukadzi.

Muzvare Khupe vakatanga vachirwira kodzero dzevashandi. Vakave munyori mukuru wesangano reZimbabwe Amalgamated Railway Union kwemakore akawanda vakavezve munyori mukuru weboka remadzimai kana kuti Women’s Advisory Council muZimbabwe Congress of Trade Unions izvo zvakaita kuti vave mumwe wevakuru vakuru vebato reMDC parakavambwa mugore ra1999.

Thokozani Khupe
Thokozani Khupe

Amai Misihairabwi Mushonga vanorumbidzawo Muzvare Khupe panyaya yekuve munhu akakwanisa kuzvisimudzira muhupenyu uye semunhu akashinga kana kwakatariswa nyaya yekurwisa chirwere chegomarara rezamu chinove chirwere chavakabatwa nacho muna 2011.

Murongi wemabasa muMDC-T inotungamirwa naMuzvare Khupe, Muzvare Yvonne Musarurwa, vanorumbidzawo Muzvare Khupe semucherechedzo wemunhukadzi akashinga pakurwira kusimudzirwa kwevanhukadzi kunyanya mune zvematongerwo enyika.

Mumiriri weBulawayo Metropolitan Province pasi pechikamu cheProportional Representation, Amai Nomvula Mguni, vanoti zvinovashamisa kunzwa vamwe vanhu vachiti Muzvare Khupe munhu anofarira kuita zvemhirizhonga kana rusarura kuchishandiswa nyaya yemarudzi.

Vanoti mukuvaziva kwavo kwenguva yakareba, Muzvare Khupe munhu ane mutsa nerudo.

Mutauriri weboka revechidiki reMDC -T inotungamirwa naMuzvare Khupe, VaAlfred Dzirutwe, vanoti vechidiki vebato iri vanoona Muzvare Khupe saamai vavo uye vanovatsigira nekuti kunyange pakave nezvinovhiringidza, munhu asingarase gwara pakurwira veruzhinji kuti vave nehupenyu hwakanaka.

Asi mutauriri weboka revechidiki reMDC -T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaBrian Dube, vanoti havabvumirani nenyaya yekuti Muzvare Khupe munhu anotevedzera gwara vachiti dai izvi zviri izvo, vangadai vasina kuramba kutambira zvakabvumiranwa nedare renational council yeMDC T.

Amai Mguni vanoti havabvumirane nevanhu vanoti dai Muzvare Khupe vasina kuita chiramwa vakaramba vakabatana nevamwe zvisinei kuti vaisafara nekwavanoti kubvutwa kwemasimba kwakaitwa naVaChamisa.

Amai Mguni vanoti sekuziva kwavo Muzvare Khupe vakaedza nepose pavaigona kuti vagadzirisane naVaChamisa asi izvi zvakakona n’anga vakaona kuti zvaive nani kuti vaite aziva kwake aziva kwake.

Khupe Chamisa
Khupe Chamisa

Mudzidzisi wezvebudiriro nerunyararo uye vari muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira, VaDidmus Dewa, vanoti kunyange hazvo Muzvare Khupe vaive nechikonzero chakakodzera chekuita zvavakaita, zvaive zvine hungwaru kuti varambe vakabatana naVaChamisa.

VaDewa vanoti zvakaitika kuna Muzvare Khupe muenzaniso wezvagara zvichiitika kuvanhukadzi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti dai MDC-T yakanyatsotevedza bumbiro rayo remitemo, zvaive pachena kuti Muzvare Khupe semutevedzeri wekutanga wemutungamiri waVaTsvangirai, ndivo vaifanirwa kusanobata matomu mushure mekushaya kwaVaTsvangirai, pozoita extra ordinary congress mukati megore rimwe chete sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato iri iro rakavandudzwa muna 2014.

Muzvare Khupe vane makore makumi mashanu nemana ekuberekwa, uye vane vana vatatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG