Accessibility links

Breaking News

Vanoshaya Vanoudza Nhunha Dzavo Mudzimai weMutungamiri eNyika


Amai Auxillia Mnangagwa In Bulawayo

Vamwe vakwegura nevakaremara vanoti vakatarisana nematambudziko akawanda kusanganisira kutadza kurapwa nekuda kwekushaya mari kunyange hazvo vachifanirwa kubatsira nehurumende.

Izvi zvabuda pamusangano pakati pemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, nevamwe vakwegura nevakaremera muBulawayo.

Amai Mnangagwa avo vange vachiperekedzwa negurukota rezvemadzimai Amai Sithembiso Nyoni pamwe nevamwe vakuru vakuru vebazi rinoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu, kana kuti social welfare, vati vanoda kubatsira kuti vanhu munyika kusanganisira vakwegura pamwe nevakaremara vagare zvakanaka.

Amai Mnangagwa vati vange vauya nevakuru vakuru veku social welfare kuzadzikisa chivimbiso chavakaita pavakasangana nevamwe vevakwegura nevakaremara muBulawayo muna Kubvumbi kuti vaizodzokazve vachisangana nevanhu ava vachipa mhinduro kuzvhichemo zvavo.

Amai Mnangagwa vakurudzira vanhukadzi kuti vashandise mukana wekuvhurwa kwakaitwa bhanga remadzimai kuti vawane mari yekuzvisimudzira vachiti bhanga iri hariite zverusarura kuvanhukadzi vanenge vachida kuwana rubatsiro kwariri.

Amai Mnanagwa vapa rubatsiro rwunosanganisira magumbeze, shuga pamwe nemupunga kune vakwegura nevakaremara.

Mumwe wevakaremara auya pamusangano uyu, uyo asina kuda kudomwa nezita kana kubuda pamhepo ati anoona sekuti musangano waitwa naAmai Mnangagwa inzira yekutsvaga nayo rutsigiro kubato reZanu PF pamberi pesarudzo vachibata vanhu kumeso kuti vachagadzirisa matambudziko anosangana nevakaremara pasina zvakati tsvikiti zvinobuda.

Muzvare Chipo Matanganyidze vati kunyange hazvo vachinzi vanofanirwa kurapwa vachibatsirwa nehurumende, vakwegura nevakaremara vanotadza kuenda kuzvipatara nekuti vanenge vasina mari yekunyoresa inodiwa.

Amai Sylvia Nyakudziwanza vati vafara kuti Amai Mnangagwa vauya kuzosangana nevakwegura nevakaremara.

Vaudza Studio 7 kuti vakwegura vakawanda vari kutarisana nedambudziko rekushaya mari uye vanozonyanya kuomerwa sezvo vasisina simba rekuita mamwe mabasa angavawanise chauviri.

Vamwe vevakaremara vakurudzirawo hurumende kuti iite kuti zvinhu zvakasiyana-siyana zvavanoshandisa zvitengwe kunze kwenyika vasingabhadhariswe mitero yakakura yekuzvipinza munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG