Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voratidzira muBulawayo Vachiti Zec Ngaibude Pachena


Postal Vote Demo 2
Postal Vote Demo 2

Vamwe vatsigiri veMDC Alliance nevemamwe mapato anopikisa varatidzira muBulawayo vachitsutsumwa nekusajeka kwepostal voting.

Kunyange hazvo vange vari vashoma vanhu ava vaimba vachitamba kwenguva yakareba vari pedyo negedhi guru rinopindwa naro pamuzinda wemapurisa paRoss Camp Provincial Headquarters muBulawayo.

Vamwe vevanhu ava vazhinji vavo vange vari vatsigiri veMDC Alliance, vange vadzingwa nemapurisa mukamba iyi umo mavange vachida kuwona kuvhota kwemapurisa nenzira yepostal voting.

Nyaya yekuvhota kwemapurisa nenzira iyi kuri kukonzera mutauro mushure mekubuda kwemashoko anopikisana pakati pevakuru vakuru vemapurisa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

VaSidingani Dube avo vari kukwikwidza kuve mumiriri weMakokoba pasi pebato reZapu, vati kusajeka kwenyaya iyi kunoita kuti vanhu vave nezvikonzero zvekufungiddzira kuti pane chitsotsi chiri kuitwa neZec.

Muzvare Sibusisiwe Adams vanove munyori weMDC-T yaChamisa mudunhu reBulawayo vatsinhirawo izvi vachiti kunyange hazvo postal voting iri mumitemo yenyika, mafambisirwo airi kuitwa haafadzi.

Zvichakadaro masangano akazvimirira ega muBulawayo ayo ari kushanda pasi pemubatanidzwa unonzi Election Support Room aita musangano nevatapi venhau muBualwayo achishora mabatirwo akaitwa nyaya yepostal voting neZec.

Imwe nhengo yemubatanidzwa uyu, Reverend Useni Sibanda, vati ZEC yagara isina chimiro chakanaka mumaziso evanhu vakati zvakakosha kuti igadzirise nyaya iyi.

Vati sangano ravo richasangana neZec uye riri kutaurirarana nemagweta aro kuti rinzwe kuti nderipi danho ringatorwa pamusoro penyaya iyi.

Vakafanobata chigaro chemukuru weZimbabwe Election Support Network, Amai Ellen Kandororo-Dingani, vaudza Studio7 kuti hapafanirwe kuve nekumbunyikidzwa kwevanhu, pakuvhota.

Zec iri kuti hapana chakaipa nemafambisirwo ari kuitwa postal voting ichiti pasi pemutemo wenyika Zec haisungirwe kuvepo panoitwa zvepostal voting zvinove zvimwe chetewo nevaongorori vesarudzo kana vanenge vakamirira mapato akasiyana siyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG