Dare ramajisitireti muBulawayo rapa gwaro rekuti imwe nhengo yeMDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, isungwe, kana kuti warrant of arrest, mushure mekunge yatadza kuuya kudare neChitatu.
Dare ramajesitireti rapa gwaro rekuti VaKunashe Muchemwa vasungwe mushure mekunge vatadza kuuya kudare. VaMuchemwa ndivo vari kukwikwidza vakamirira MDC Alliance kuBulawayo South.
Mushure mekutongwa kwenyaya iyi svondo rapera, VaMuchemwa ndemumwe wevanhu vana vakawanikwa vaine mhosva yekukonzera mhirizhonga zvichitevera kurwisana kwakaitika pamahofisi ebato reMDC-T muBulawayo muna Kurume.
Vanhu gumi nevaviri vakasungwa mushure memhirizhonga iyi.
Asi VaMuchemwa, nevamwe vavatu vanoti VaMalandu Ncube, VaFelix Mhaka, naVaEric Gono ndivo vakawanikwa vaine mhosva uye vange vachifamirwa kupiwa mutongo wavo nhasi.
Mutongi wedare, Amai Sithembile Ncube, vati vange vagadzirira kupa mutongo wavo kuvana ava asi vati zvange zvisingachagone kuti vaite saizvozvo sezvo VaMuchemwa vange vasipo.
Gweta VaPrince Butshe-Dube avo vari kumiririra vana ava vakumbira ruregerero kudare vachiti vange vachitaurirana naVaMuchemwa ngova dzose, asi vati havazive kuti sei vasina kuuya kudare.
VaButshe-Dube vabvumirana nedare kuti mutongo wange uchifanirwa kuturwa nedare uzoturwa musi waChikunguru 23, asi vazvipirawo kuti mutongo uyu unogona kuturwa kana mangwana ndokunge VaMuchemwa vawanikwa.
VaButshe-Dube vaudza vatapi venhau kuti zvavashamisa kuti sei VaMuchemwa vasina kuuya kudare sezvo vange vachitaurirana navo panguva yose yapfuura.
VaMuchemwa nevamwe vavo vange vachitongwa vachibva kumba mushure mekubvisa mari yechibatiso.
Facebook Forum