Accessibility links

Breaking News

Vari Kupomerwa Mhosva yeKubhomba kuWhite City Stadium Vanomiswa Mudare


Vanhu vaviri vari kupomerwa mhosva ine chekuita nekuputiswa kwebhomba kwakaitika muWhite City stadium kuBulawayo svondo rapera, vamiswa pamberi pedare muBulawayo vachipomerwa mhosva yekuita zvegandanga pamwe nekuda kupidigura hurumende.

Plusieurs personnes ont été blessées par une explosion d'origine inconnue survenue à la fin d'une réunion électorale du président Emmerson Mnangagwa, à Bulawayo, la deuxième ville du Zimbabwe, 23 juin 2018. (Twitter/ZBC News Online)
Plusieurs personnes ont été blessées par une explosion d'origine inconnue survenue à la fin d'une réunion électorale du président Emmerson Mnangagwa, à Bulawayo, la deuxième ville du Zimbabwe, 23 juin 2018. (Twitter/ZBC News Online)

Vaviri ava, VaDouglas Musekiwa naVaJohn Zulu, vamiswa mudare vasina magweta anovamirira.

Mutongi wedare ramejasitireti, VaGladmore Mushowe, vadzinga vanhu vose vanzi havana chekuita nenyaya iyi apo vaviri vamiswa pamberi pedare kuWest Commonage Magistartes Court.

Mutongi wedare abvumirana nemuchuchisi kuti nekuda kwekukura kwemhosva iri kupomerwa vaviri ava, hazvaigona kuti inzwikwe nevanhu vose vose.

Vasungwa ava, avo vanga vachiratidza kunge vasiri kuziva kodzero dzavo, havana kupikisa kuti nyaya yavo inzwikwe pasina veruzhinji vanoinzwa.

Vatori venhau vamirira kubva mangwanani kusvika nguva dzekuma 4 manheru vachida kunzwa nyaya iyi asi nyaya iyi yange isina kunyatsojeka kuti iri kufambiswa seyi.

Studio7 haina kuzokwanisa kunzwa kuti vaviri ava vataura kuti chii payanga yonzwikwa mukamera.

Asi magwaro ari mumaoko eStudio7 anoratidza kuti mukuru wematikitivha muBulawayo akumbira dare kuti vaviri ava vachengetedzwe nemapurisa kubva musi wa Chikumi 30, kusvika musi wa Chikunguru 2.

Magwaro aya anoratidza kuti mapurisa akumbira kuti awedzerwe nguva nedare kuitira kuti aenderere mberi nekuferefeta nyaya iyi ivo vakachengetedza vapari vemhosva.

Hazvinawo kujeka kuti vaviri ava vakaiswa riini mumaoko emapurisa, sezvo mashoko atinawo achiti vaviri ava vakanga vasungwa nemauto zvichitevera kuputika kwebhambu rakasiya nepadiki rakuvadza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vakakuvara pachiitiko ichi vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, mudzimai wemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Mary Chiwenga, sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri Kashiri nevamwe vanhu vanodarika makumi mana.

President Mnangagwa Visits Mary Chiwenga In Hospital
President Mnangagwa Visits Mary Chiwenga In Hospital

Vanhu vaviri, VaNelson Dube, avo vaive mukuru wevachengetedzi vaVaMohadi, pamwe naVaStanley, pamwe nemumwe wevachengtedzi waVaConstantino Chiwenga, Colour Sergeant Stanley Mugunzva, vakashaya mushure mekukuvadzwa zvichitevera kuputika kwechombo neMugovera wapfuura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG