Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, nhasi yasangana nevanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo ichivaudza zvinodiwa kuti vakwanise kukwikwidza ichiti vanhu ava vave kukwanisa kuendesa magwaro avo kunyange hazvo dare reNomination Court richizogara musi wa14 wemwedzi uno.
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa vanoita musangano nevechidiki vebato ravo muGweru vachivakurudzira kuti vavhotere Zanu PF vachiti ndiyo chete nzira yekuchengetedza nhaka yenyika.Nyaya ina Taurai Shava.
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa vanoita musangano nevechidiki vebato ravo muGweru vachivakurudzira kuti vavhotere Zanu PF vachiti ndiyo chete nzira yekuchengetedza nhaka yenyika. Nyaya ina Taurai Shava.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira vechidiki kuti vavhotere Zanu PF vachiti ndiyo chete nzira yekuchengetedza nhaka yenyika.
Apo kwasara mazuva matanhatu kuti chirongwa chekuongorora gwaro rine mazita evakanyoresa kuvhota chipere, Zimbabwe Electoral Commission inoti vanhu vasingasvike miriyoni imwe chete ndivo vakwanisa kuongorora gwaro iri kusvika pari zvino.
VaDavid Coltart avo vanove gweta uye vari nhengo yebato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube vti havawone sarudzo dzichikwanisa kuve dzakachena kana nhepfenyuro yehurumende yeZBC ichiramba yakarerekera kudivi rebato reZanu PF. VaColtart vati kuita izvi kunotyora bumbiro remitemo yenyika .
Makomishina eZimbabwe Electoral Comission, ZEC, anoti zvose zvine chekuita nekunyoreswa kwevanhu kuti vagokwanisa kuvhota zvakachengetedzwa zvakasimba.
Mumwe wemakanzura eguta reBulawayo VaJames Sithole veWard 7 vanoti kanzuru yakagona kuita basa rayo zvisinei nekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika. Mayor veguta iri vapa nhoroondo yezvakaitwa nekanzuru yavo mumakore mashanu apfuura pachiitiko chekupa ruremekedzo kumamwe makanzura nevagari.
Bato reMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe raparura gwaro raro rine zvivimbiso zvichaitwa nebato iri kana rikakunda musarudzo.
Vatsigiri veZanu PF pamwe nedzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana zviri kuvimbiswa neZanu PF kana ikakunda musarudzo.
Kupindira kwemauto mune zvematongerwo enyika kusvikira VaRobert Mugabe vazosiya chigaro chemutungamiri wenyika gore rakapera kwakaitika muchihwande zvekuti kusvika pari zvino veruzhinji havanyatsoziva zvizere pachiitiko ichi.
Makomisheni akasiyana siyana munyika anobvuma kuti zvakakosha kuti ashande pamwe chete munyaya dzekusimudzira kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu munyika.
Varwiri vekodzero dzevanhukadzi voshushikana nezviri kubuda musarudzo dzeZanu PF vachiti zvinodzorera kumashure kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.
Muzvare Yvonne Musarurwa vanoti zvisinei nemafungiro agara aripo evakawanda, vanhukadzi vanogona kuve nehutungamiri hwakanaka mune zvematongerwo enyika kupfuura vanhurume. Nyaya ina Taurai Shava.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vayambira vashandi vehurumende kuti vashande nemoyo yavo yose mukusimudzira zvinangwa zvehurumende zvekumutsurudza hupfumi hwenyika.
Makambani emunyika ane chikwereti chemitero chinopfuura mabhiriyoni mana kuZimbabwe Revenue Authority uye vamwe vanhu nemabhizimisi anofanirwa kubhadhara mitero munyika havazi kuita izvi.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti hurumende yakazvipira kuve nemitemo yakanaka uye yakajeka senzira yekuedza kumutsurudza hupfumi hwenyika
Zimbabwe International Trade Fair inotanga muBulawayo vanhu nemakambani vachiratidza zvinhu zvavo kune veruzhinji. Muzvare Rosemary Vambe avo vane bhizimisi rekusona mbatya vanoti kuuya kuZITF nguva nenguva kwabatsira kuti bhizimisi ravo rikure. Nyaya ina Taurai Shava
Dare ratiwo chikwata chaVaChamisa chakakwidza nyaya iyi mudare chibvise mari yekubhadharwa magweta nechikwata chaMuzvare Khupe.
Sezvange zvichitarisirwa, Muzvare Khupe vasarudzwa kuve mutungamiri wechikwata cheMDC T ichi vasina avakwikwidza, VaObert Gutu vakasarudzwa kuve mutevedzeri wavo.
Rodhai zvimwe