Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Vanhu Vatanga Kuongorora Mazita Avo Mugwaro reVavhoti


Sachigaro weZEC Justine Priscilla Chigumba
Sachigaro weZEC Justine Priscilla Chigumba

Apo kwasara mazuva matanhatu kuti chirongwa chekuongorora gwaro rine mazita evakanyoresa kuvhota chipere, Zimbabwe Electoral Commission inoti vanhu vasingasvike miriyoni imwe chete ndivo vakwanisa kuongorora gwaro iri kusvika pari zvino.

Padandemutande rayo, ZEC inoti kusvika nezuro munyika mose vanhu vanopfuura zviuru mazana manomwe ndivo vange vakwanisa kuongorora gwaro rine mazita evakanyoresa kuti vagovhota.

ZEC inotiwo yakakwanisa kutumira maSMS kunharembozha dzevanhu vanopfuura mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri.

Pakapera chirongwa cheBVR mop up muna Kurume kune vanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mana vaive vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Dunhu reBulawayo nderimwe rematunhu ane vanhu vashoma kana kwakatariswa vanhu vakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota mumatunhu ose emunyika.

Mukuru weZEC muBulawayo District Amai Sithembiso Khupe vanoti kusvika nezuro vanhu vanopfuura zviuru gumi nezvinomwe ndivo vaive vakwanisa kuongorora mazita avo mugwaro revakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Amai Khupe vanoti kunyange hazvo vanhu vakatumirwa maSMS panharembozha dzavo, zvakakosha kuti vaende vanoongorora gwaro rine mazita evakanyoresa kuvhota nekuti zvinotumirwa panharembozha zvinogona kuve zvisiri izvo kana kuti zvisina kukwana.

Vanotiwo kuenda kunoongorora gwaro iri pachezvavo kunobatsirawo vakanyoresa kuti vagare vaziva nzvimbo yavachanovhotera.

Mukuru wesangano reZimbabwe Election Support Network Amai Rindai Chipfunde-Vava vanoti sangano ravo riri kugutsikana nekufamba kuri kuita chirongwa chekuongorora gwaro revakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota uye vanotendawo ZEC nekukwanisa kutumira maSMS kune vamwe vanhu vakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Chirongwa chekuongorora gwaro revakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota chiri kuitwawo pamwe nechirongwa cheBVR mop up munzvimbo dzakasiyana siyana munyika mose senzira yekupa mukana kuvanhu vakawanda vanokodzera asi vange vasati vakwanisa kunyoresa kuvhota.

Chirongwa ichi chakatanga musi wa19 mwedzi uno uye chiri kupera musi wa29 chinove Chipiri chesvondo rinouya.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG