Accessibility links

Breaking News

Mutambo Uri Pamusoro peKubviswa kwaVaMugabe paChigaro Wotyora Mbabvu dzeVeruzhinji


VaSibusiso Moyo ndivo vakazivisa veruzhinji nezvekupindira kwemauto mukubvisa VaMugabe pachigaro.
VaSibusiso Moyo ndivo vakazivisa veruzhinji nezvekupindira kwemauto mukubvisa VaMugabe pachigaro.

Kupindira kwemauto mune zvematongerwo enyika kusvikira VaRobert Mugabe vazosiya chigaro chemutungamiri wenyika gore rakapera kwakaitika muchihwande zvekuti kusvika pari zvino veruzhinji havanyatsoziva zvizere pachiitiko ichi.

Mumwe mutambo, kana kuti drama, unoziikanwa uchinzi “Operation Restore Regasi” uri kuita mukurumbira munyika pamwe nekunze kwenyika nekuda kwekutevedzera zvinofungidzirwa kuti zvakaitika pamazuva aya.

Mutori wedu wenhau Taurai Shava akaona mutambo uyu munguva pfupi yapfuura akatipa nyaya inotevera.

Ichi ndechimwe chezvikamu zvakawanda zviri mumutambo weOperation Restore Regasi chinorwadzisa vakawanda mbamvu dzavo nekuseka.

Mutambo uyu wakanyorwa naCharles Munganasa uyo anove mukuru wechikwata cheJubilee Arts chinoshanda chiri muguta reMasvingo, uyezve ari mumwe wevatambi mumutambo uyu.

Mumwe wevanhu vanofadza veruzhinji zvikuru mumutambo uyu ndiMuzvare Caroline Magenga uyo anenge ari Amai Grace Mugabe.

Caroline, uyo akazvarwa nekudzidza muMasvingo ndokuzoita zvidzidzo zvepamusoro paMidlands State University, anoti akatanga kuita zvemitambo ari kuprimary asi akazonyanyozvitevedzera mumakore mashoma apfuura.

Anoti akatora nguva kuti anyatsokwanisa kutevedzera Amai Mugabe.

Ketani Michael Banda ndiye anobuda achitevedzera VaMugabe. Ketani anoti akapinda mune zvemutambo mushure mekukurudzirwa nemumwe munhu waaiziva aiitawo zvemitambo.

Ketani ndemumwe anofadzawo veruzhinji nekukwanisa kwake kutevedzera VaMugabe. Anoti nekuda kwekuti VaMugabe munhu anoziikanwa zvikuru munyika nepasi rose kukwanisa kuvatevedzera nemazvo hazvizi nyore.

Charles akaberekerwa kwaGutu akaita zvidzidzo zvemitambo paUniversity of Zimbabwe. Mumutambo uyu anotamba chinzvimbo chemutevedzeri wemutungamiri wenyika Retired General Constantino Chiwenga uye anofadzawo vakawanda achitevedzera matauriro avanoita rurimi rweChirungu.

Kunyange hazvo achiti anofara zvikuru nekutambirwa kwemutambo wake, Charles anoti anoodzwa moyo nenyaya yekuti hurumende hairatidze chido chekutsigira zvemitambo. Anoti nyaya yekuti masangano anotsigira zvinhu zvakasiyana siyana nemari ndiwo anotsigira zvemitambo munyika inogona kukanganisa zvetsika nemagariro emunyika.

Caroline anoti kunyange hazvo veruzhinji vane mamwe maonero, kuita zvemitambo chinhu chinogona kuraramisa munhu semamwewo mabasa. Anoti shuviro yake ndeyekuti dai aikwanisa kusangana naAmai Mugabe onzwa divi ravo uye kuti vanonzwa sei kana kuti vanofungei nezvakaitika.

Charles anoti nekuda kwemukurumbira waita mutambo wavo, hurongwa hwasvika pamusoro soro hwekuti vaende kunze kwenyika nemutambo uyu.

Anotiwo munguva pfupi iri kutevera ane hurongwa hwekuburitsa mumwe mutambo une chekuita nesarudzo achitiwo anotariro yekuti mutambo uyu uchaitawo mukurumbira.

Panguva yehutongi hwaVaMugabe, mutambo wakaita seOperation Restore Regasi waigona kurambidzwa kuitwa. Mutambo uyu uri kuita mbiri zvekuti vakawanda vanoti unogona kuvhurira vatambi vawo mikana yakakura uye kubatsira kusimudzirawo zvemitambo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG