Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Vanosarudzwa Kuve Mutungamiri weChimwe Chikwata cheMDC-T


MDC-T Khupe congress in Bulawayo

Kongiresi yechimbi chimbi yeMDC T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yaitwa neMugovera muStanley Square kuBulawayo bato iri richisarudza vatungamiri varo vatsva muchiitiko chinoonekwa nevakawanda sekuratidza kuti Muzvare Khupe nevamwe vavo havachacheuka kumahsure.

Sezvange zvichitarisirwa, Muzvare Khupe vasarudzwa kuve mutungamiri wechikwata cheMDC T ichi vasina avakwikwidza, ukuwo VaObert Gutu vakasarudzwa kuve mutevedzeri wavo vasina avakwikwidza.

VaAbednico Bhebhe vasarudzwa kuve sachigaro webato iri.

VaNixon Nyikadzino ndivo vasarudzwa kuve munyori mukuru webato, ukuwo VaSamukele Hadebe vaitwa mutevedzeri wemunyori mukuru.

VaChief Ndlovu vasarudzwa kuva mubati wehomwe.

Muzvare Yvonne Musarurwa vasarudzwa kuve murongi wemabasa ezvematongerwo enyika, ukuwo VaAlfred Ncube ndivo vaitwa mutevedzeri wemurongi wemisangano yebato.

Muzvare Linda Masarira ndivo vasarudzwa semutauriri webato.

Amai Dorothy Bhebhe ndivo vasararudzwa kuve sachigaro weboka remadzimai, ukuwo Amai Lynett Mudehwe vaitwa munyori mukuru muboka remadzimai,

Muzvare Fungai Masaiti vakasarudzwa kuve sachigaro wevechidiki, ukuwo Muzvare Isabella Mwonzora aitwa munyori mukuru wevechidiki.

Vatori venhau vambodzingwa kwechinguva kubva muStanley Square umo mange muchiitirwa musangano uyu sezvo zvange zvichiitwa panguva iyoyo zvange zvisinei navo.

Kunze kwekusarudza vatungamiri, VaGutu vaudza Studio7 kuti chimwe chinhu chakakosha chaitwa pamusangano uyu kuvandudza bumbiro remitemo webato.

Mutungamiri webato achavapo kwematemu maviri, temu imwe chete iine makore mashanu.

Bato iri rabvisawo chigaro chemutevedzeri wasachigaro nezvimwe zvanga zviri mubumbiro rakavandudzwa muna 2014.

Kuvandudzwa kwebumbiro rebato kwaitwa kukatambirwa sarudzo dzisati dzaitwa.

Pamubvunzo wekuti musangano wavo waitwa zviri pamutemo here kana kuti kwete VaGutu vati musangano wavo waitwa zviri pamutemo zvichienderana negwara rebato reMDC T.

Asi musangano uyu wambokanganiswa zvishoma apo kwambonaya kwekanguva kadiki asi wazoenderera mberi.

Pamboitawo mutauro pakusarudzwa kwaMuzvare Masarira vamwe vachiti havakodzeri kuve pachinzvimbo ichi sezvo vasingaziikanwe senhengo yeMDC T.

Mutungamiri wechimwe chikwata chebato rePeople's Democratic Party, Amai Lucia Matibenga, nevashandi vekumizinda yenyika dzeAmerica, Britain neNetherlands muZimbabwe, vange varipowo pamusangno uyu vachiona zvange zvichiitika.

Sarudzo dzaitwa nechikwata chaMuzvare Khupe dzaitwa panguva iyo paine makatanwa makuru pakati paMuzvare Khupe naVaNelson Chamisa, avo vari kutungamira chimwe chikwata cheMDC-T pakuti MDC-T chaiyo ndeipi?

VaChamisa, avo vari kutungamira MDC Alliance, vanoti vakasarudzwa neNational Council kuti vatore matomu, ukuwo Muzvare Khupe vachitiwo ndivo vanofanirwa kutungamira bato iri sezvinodiwa nebumbiro rebato zvichitevera kushaya kwevaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

Nyaya yemakakatanwa aya pamwe nekushandisa zita rebato iri mumatare edzimhosva.

Hutungamiri hutsva hweMDC-T intungamirwa naMuzvare Khupe:

Thokozani Khupe Mutungamiri weBato

Obert Gutu Mutevedzeri weMutungamiri weBato

Abednico Bhebhe: Sachigaro

Nixon Nyikadzino: Munyori Mukuru

Samukele Hadebe: Mutevedzeri weMunyori Mukuru

Yvonne Musarurwa: Murongi weMisangano

Chief Ndlovu: Mubati weHomwe

Alfred Ncube Mutevedzeri weMurongi weMisangano

Muzvare Linda Masarira: Mutauriri weBato

Dorothy Bhebhe: Sachigaro weMadzimai

Lynett Mudehwe Munyori Mukuru weMadzimai

Muzvare Fungai Masaiti : Sachigaro weVechidiki

Isabella Mwonzora Munyori Mukuru weVechidiki

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG