Accessibility links

Breaking News

ZEC Yosangana neVanhu Vachakwikwidza Musarudzo


Nomination Court, Bulawayo
Nomination Court, Bulawayo

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yasangana neChipiri nevanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo ichivaudza zvinodiwa kuti vakwanise kukwikwidza ichiti vanhu ava vave kukwanisa kuendesa magwaro avo kunyange hazvo dare reNomination Court richizogara musi wa14 Chikumi 2018.

Mukuru weZEC muBulawayo District, Amai Sithembiso Khupe, vaudza Studio 7 kuti aka ndekekutanga ZEC ichiita hurongwa hwakadai vachiti ZEC yakaona zvakakodzera kuita izvi senzira yekuedza kurerutsa basa rayo uye kuitira kuti vanoda kunyoresa kuti vagokwikwidza vaite izvi nenzira iri nyore.

Pamusangano uyu paita mibvunzo yakawanda kusanganisira wekuti vanokwikiwdza ava vachakwanisa kuwana riinhi gwaro rine mazita ane vanhu vakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

VeZEC vatsanangura kuti munhu wose anenge akwanisa kunyoresa kuti agokwikwidza musarudzo achapihwa electronic copy yegwaro iri pachena mushure mekunge dare reNomination Court ragara musi wa14 Chikumi.

Amai Sheila Musonda avo vati vari kukwikwidza pachinzvimbo chehukanzura vati vanhukadzi vakawanda vanenga vachida kukwikwidza muzvinzvimbo zvakasiyana siyana vanovhiringidzwa nenyaya yemagwaro ekuberekwa anenge akasiyana.

VeZEC vavimbisa kuti vachaita zvose zvavanogona kurerutsira vanhukadzi vose vakagura michato yavo asi vachiri kushandisa mazita evarume vaive vakavaroora.

Panyaya yenzira dzekubhadhara nadzo mari dzinodiwa pakunyoresa kuve nhengo yeNational Assembly kana pakuve nhengo yeSenate, VaDaniel Chigaru, mumwe wemakomishina eZEC ange ari pamusangano uyu, vati ZEC ichange ichitambira kubhadharwa nenzira dzakasiyana-siyana.

Nhengo yebato reZanu PF, VaElifasi Mashaba, avo vachakwikwidza kuve nhengo yeparamende yakamirira Nkulumane vaudza Studio 7 kuti hurongwa hwaitwa neZEC huchabatsira zvikuru.

Amai Nomvula Mguni avo vachakwikwidza kuve nhengo yeparamende yeBulawayo Central pasi pebato reMDC T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe vatsinhirawo kuti hurongwa hwaitwa neZEC hwakanaka.

Dare reNomination Court richagara musi wa14Chikumi uye sarudzo dzichaitwa munyika musi wa30 Chikunguru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG