Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vanoti Zimbabwe Yakazvipira Kumutsurudza Mabhizinesi


ZITF Chiwenga
ZITF Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti hurumende yakazvipira kuve nemitemo yakanaka uye yakajeka senzira yekuedza kumutsurudza hupfumi hwenyika.

Vachitaura pagungano reInternational Business Conference yegore rino kuZimbabwe International Trade Fair muBulawayo, VaChiwenga vati hurongwa hwekugadzirisa nyaya yekuti zvive nyore kuti vanoda kusima mari munyika vakwanise kuvhura mabhizimisi zviri nyore hwave pamusoro soro.

Vati senzira yekubatsira kumutsurudza hupfumi hwenyika zvakakosha kuti nyika ive nemitemo yakanaka yakajeka uye hurumende yakazvipira kuve nemitemo iyi.

VaChiwenga vati hururmende iri mushishi kuedza kumutsurudza maindasitiri emuguta reBulawayo nekune dzimwe nzvimbo munyika pamwe nekuita kuti kuvhurwe maindasitiri matsva.

Vatiwo zvakakosha kuti hurumende vemakambani pamwe nemaindasitiri vaite maonera pamwe panyaya yekuvandudza mashandiro.

Mushure memashoko aVa Chiwenga, vanhu vange vari pamusangano uyu vapiwa mukana wekubvunza pamwe nekupawo pfungwa dzavo pamusoro pezvange zvataurwa neutevedzeri wemukuru wenyika.

Mukuru wesangano reConfederation of Zimbabwe Industry, VaSifelani Javangwe, vati vanotambira hurongwa hwehurumende hwekuedza kumutsurudza hupfumi hwenyika nekukwezva vemabhimisi ekunze kuti vasime mari munyika.

Asi vati vanotyira kuti kuisa pfungwa dzose panyaya iyi kunogona kuzosiya mabhizimisi emunyika akawanda ari pachena.

Izvi zvatsigirwawo naAmai Nyepudzai Nyangulu avo vati ishuviro yavo kuti hurumende ive nehurongwa hwakajeka hwekuita kuti mabhizimisi kunyanya madiki emadzimai ashande asingasangane nezvimhingamupinyi zvakawanda.

VaSimon Bere avo vange varipowo pamusangano uyu vati kunze kwekuve nehurongwa hwekukwezva vanosima mari munyika, zvakakosha kuti hurumende inyatsobuda pachena pakuti inotevera gwara ripi munyaya dzezvehupfumi.

Musangano weInternational Business Conference unoitwa gore rega rega sechikamu cheZITF uye unopindwa nevanhu vakasiyana-siyana kusanganisira vakuru vakuru mune zvemabhizimisi nemaindasitiri.

Gungano reZITF rakatanga nezuro uye richavhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika nemusi weChishanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG