Accessibility links

Breaking News

Vanhu neMakambani Vane Chikwereti cheMutero Chinodarika Mabhiriyoni Mana eMadhora kuZIMRA


ZIMRA
ZIMRA

Makambani emunyika ane chikwereti chemitero chinopfuura mabhiriyoni mana kuZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, uye vamwe vanhu nemabhizimisi anofanirwa kubhadhara mitero munyika havazi kuita izvi.

Izvi zvataurwa naCommissioner General weZIMRA, Muzvare Faith Mazani, pamusangano pakati pevemabhizimisi neZIMRA muBulawayo nhasi.

Muzvare Mazani vati chikwereti ichi ndechekusvika pakupera kwemwedzi waKurume wegore rino, uye makambani anoshanda akazvimirira ega ndiwo ane chikamu makumi masere kubva muzana echikwereti ichi.

Vati vanhu vakawanda pamwe nemamwe mabhizimisi vanofanirwa kuve vachibhadhara mitero havazi kuita izvi.

Vemabhizimisi vakawanda vapinda mumusangano uyu vachema-chema nenyaya yekwavati kusashanda zvakanaka kweZIMRA.

Mumwe weavo ndiAmai Sidumisile Ncube vanove accountant neimwe kambani avo vati vanoshushikana nekwavati kusagona kuchengetedza magwaro akakosha kweveZIMRA.

Izvi zvatsigirwawo naVaMoses Kuture avo vati kunyange hazvo ZIMRA yave kushandisa nzira dzemazuvano dzeInformation Communication Technology mukubhadharisa mitero nekuchengetedza magwaro akakosha, vanoda kuti ZIMRA iwone kuti hapachazoitakazve dambudziko serakamboitika munguva yapfuura yekuti software yavo yakambotadza kushanda kwenguva yakareba.

Muzvare Mazani vabvuma matambudziko ataurwa aya vakati nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemari yekunze munyika, ZIMRA yange ichitadza kubhadhara makambani anoona nezvesoftware yavanoshandisa asi vavimbisa kuti izvi zvave kugadziriswa.

Vabvumawo kuti rimwe dambudziko ravakatarisana naro inyaya yekuti nyika payakatanga kushandisa mari yekunze mugore ra2009, magwaro evanhu neemakambani akawanda anobhadhara mitero haana kugadziriswa sezvaifanira.

Pamubvunzo wekuti kunze kwekusungisa vanoita izvi ZIMRA ine masimba here ekuti iteverere uye kumanikidza kuti vanotadza kubhadhara mitero vabhadhare sezvakafanira, veZIMRA vati vanawo masimba aya uye vanoita izvi nguva nenguva asi vanozviita muchinyararire sezvo vasingabvumidzwe nemitemo kuti vashambadze zvinhu zvakadaro.

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, avo vakafanobata chigaro chegurukota rezvemari vataura pamusangano uyu semunyarikani.

Vati veZIMRA vari kuita basa rakakosha rekukwanisa kuwanira hurumende mari nekubhadharisa mitero vakatiwo vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuzvipembedza nekukwanisa kuramba vachibhadhara mitero sezvinotarisirwa kunyange apo zvinhu pazvange zvakaipisisa munyika.

Musangano wanhasi uri pasi pechirongwa chemisangano inoitwa neZIMRA sechikamu cheZimbabwe International Trade Fair wakanangana nekuzivisa veruzhinji mashandiro eZIMRA uye kuzeya matambudziko anotarisana nevanhu pamwe nemabhizimisi panyaya dzemitero.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG