Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Bato Ravo Ndiro Richakunda Pachaitwa Sarudzo


Zanu PF Mnangagwa Impeachment
Zanu PF Mnangagwa Impeachment

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira vechidiki kuti vavhotere Zanu PF vachiti ndiyo chete nzira yekuchengetedza nhaka yenyika. Vatiwo vanoda kuti sarudzo dziitwe murunyararo.

Zviuru nezviru zvevatsigiri veZanu PF zvaungana panzvimbo iri pedyo neMkoba Teachers’ College muGweru apo VaMnangagwa vaita musangano nevechidiki vebato reZanu PF.

VaMnangagwa vakurudzira vechidiki kuti vavhotere bato reZanu PF nekuti ndiro rakasunungura nyika kubva kuhutongi hwehudzvanyiriri vachitiwo kuvhotera bato iri kwevechidiki inzira yekuchengetedza nhaka yavo.

VaMnangagwa vatsinhira mashoko avari kugara vachitaura ekuti vanoda kuti sarudzo dzive dzakachena uye dziitwe murunyararo vachiti vatsigiri veZanu PF havana chikonzero chekuti vaite mhirizhonga nevemapato anopikisa nekuda kwekuti vakawanda kupfuura vatisgiri vemapato anopikisa

VaMnangagwa vati vanonzwisisa zvichemo zvevechidiki zvekushaya mabasa nezvimwe vakati kubva pavakapinda pachigaro chekuve mutungamiri wenyika hurumende yavo iri kuita zvirongwa zvakasiyana siyana zvekusimudzira hupfumi hwenyika nekumutsurudza maindasitiri.

VaMnangagwa vati ishuviro yavo yekuti vechidiki vakwanise kuita zvemabhizimisi kusanganisira ezvicherwa vakati China yakapa hururmende mari inosvika mamiriyoni zana yekubatsira vanoita zvezvicherwa.

Vati vanoda kuti Zimbabwe ive inoverengwa panyika dzinenge dzichinzi muChirungu maMiddle Income Countries mukati memakore gumi nemasere.

Vamwe vechidiki vauya kumusangano uyu vaudza Studio7 kuti vari kurarama nekuchera goridhe zvisiri pamutemo, asi vati vanoda kuwaniswa mukana wekuti vaite zvezvicherwa vasingashungurudzwi nemapurisa.

Mumwe wevanhu ava ndemumwe angozvidoma nezita rekui Stewart uyo anogara kuShurugwi.

Munyori weboka revechidiki, VaPupurayi Togarepi, vanove mumwe wevatungamiri veboka revechidiki vataura pamusangano uyu vakurudzirawo veruzhinji kuti vasavhotere mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC T, VaNelson Chamisa, vachivati vanonyepa.

Gurukota rezvemitambo, VaKazembe Kazembe, avo vataurawo pamusangano uyu vakurudzira VaMnangagwa kuti vasunge vanhu vavasina kudoma nemazita vavati vakaba vakatiza munyika vakazodzoka.

Vaimbove gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vakadzoka munyika munguva pfupi yapfuura mushure mekunge vambotiza munyika apo pakapindira vechiuto mune zvematongerwe enyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG